Kwauya zvidzidzo zvepaterevhizheni

30 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Kwauya zvidzidzo  zvepaterevhizheni Minister Mathema

Kwayedza

Mashudu Netsianda

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari, rakabatana nesangano reUNICEF, rakatanga chirongwa chekuti vana vakwanise kufunda kuburikidza neterevhizheni senzira yekudzoreredza nguva refu yavakarasikirwa nayo vasingadzidze zvichitevera kuvharwa kwakamboitwa zvikoro nechinangwa chekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chirongwa ichi, icho chakatanga nemusi weMuvhuro svondo rino, chichabatsira vadzidzi veGrade 3 ne7 uye chichaitwa kusvika nemusi wa5 Chikumi, 2021.

Zvidzidzo zvemaminitsi 15 izvi zvichaburitswa peterevhizheni yeZBC kubva Muvhuro kusvika Chishanu.

Mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti chirongwa ichi imwe yenzira dzekuti vadzidzi vakwanise kuwana fundo zviri nyore.

“Zvidzidzo zvepaterevhizheni izvi imwe yenzira dzekusimbaradza mafundiro evana. Sebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, tinoda kusvika kuvadzidzi nekutanga chirongwa chepaterevhizheni kuti chibatsirane nechezvidzidzo zveparedhiyo,” vanodaro.

VaNdoro vanoti chirongwa chezvidzidzo zvepaterevhizheni chine donzvo rekudzoreredza nguva refu iyo vadzidzi vakarakisirwa nayo paive pakavharwa zvikoro senzira yekurwisa Covid-19.

Pasi pechirongwa ichi, musi weMuvhuro neChipiri, pachaitwa zvidzidzo zveEnglish zveGrade 3 izvo zvichaburitswa paterevhizheni nenguva dza3 kusvika 3:15 masikati.

Nemusi weChitatu neChina, kuchaitwa zvidzidzo zveGrade 7 zveMathematics kutanga na3 kusvika 3:15 dzmasikati.

Kozoti neChishanu kuchaitwa zvidzidzo zveEnglish zveGrade 7 zvakare.

Zimbabwe ine vana vechikoro vanodarika 4,6 miriyoni nematicha anosvika 146 000.

VaNdoro vanoti bazi ravo rakabatana neZBC, UNICEF nesangano reFACT Zimbabwe rakaburitsa hurongwa hwezvidzidzo (seventh schedule) zveparedhiyo kubva pagwaro reEarly Childhood Development (ECD) kusvika paZimbabwe Junior Certificate (ZJC) level izvo zvichaitwa kusvika nemusi wa7 Chivabvu, 2021.

Gore rapera, Hurumende yakatanga chirongwa chezvidzidzo zveparedhiyo zvemitauro yemuno (indigenous languages) nechinangwa chekubatsira vadzidzi veECD, vepuraimari nesekondari zvichitevera kuvharwa kwainge kwakaitwa zvikoro nekuda kweCovid-19.

Gurukota rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanoti gwaro rezvedzidzo (curriculum) rinofanirwa kuzadzikisa mikaha iripo nekudaro mitauro yemuno yave kudzidziswa kubva paECD kusvika kusekondari.

Vanoti kudzidziswa kwemitauro yemuZimbabwe kwakakosha nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira kuti vana vakwanise kuchengetedza tsika dzakanaka uye kuve nehunhu hunoyemurika.

Zvidzidzo zveparedhiyo zvemitauro yemuno zviri kutungamirirwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakabatana nerekuburitswa kwemashoko.

Kambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimpapers, Skyz Metro FM neAB Communications vari kubatsirawo muchirongwa chezvidzidzo zveparedhiyo izvi.

Share This:

Sponsored Links