Kwava nemutemo mutsva wedzidzo

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza

Mubereki wose ave kusungirwa kuendesa vana kuchikoro kubva pagwaro reEarly Childhood Development (ECD) vasati vaenda Giredhi 1 kusvika Fomu 4.

Vabereki vanotadza kuendesa vana ava kuchikoro vachabhadhariswa faindi kana kupika jeri kwemakore maviri.

Mutemo weEducation Amendment Act wakaburitswa mugwaro reGovernment Gazette nemusi weChishanu chadarika uye unoti mwana wose ane kodzero yekuwaniswa dzidzo.

Mari inobhadharwa nevanenge vabatwa nemhosva yekutyora mutemo uyu inosvika $4 800 kana kupika jeri kwemakore maviri.

Vatongi vekumatare vanogona kuderedza mari yefaindi kana nguva yekugara mujeri zvichienderana nekuti nyaya yacho yakamira sei.

Mutemo uyu unotsiva wanga uripo uyo waiti kuendesa vana kupuraimari ikodzero yemubereki asi iyi isarudzo yemubereki.

Mutemo mutsva uyu unotsanangura kudzidza kwekubhadharirwa neHurumende kubva paECD kusvika kuFomu 4 kana rimwe danho rinenge ratarwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

Unojekesa zvekare kuti vana kana vachibhadharirwa fundo yavo neHurumende, havafanirwi kubhadhara imwe mari yechikoro.

Hurumende inofanira kuvapa zvekushandisa pakudzidza nekudzidziswa, pekudzidzira nezvivakwa.

Zvisinei, mutemo uyu haurambidze kubhadharwa kwemari yechikoro uye gurukota redzidzo rinofanira kuramba richitara mari dzezvikoro zveHurumende uye pakuita izvi rinotarisa kune chikoro nechimiro chacho.

Hurumende yakaparurawo chirongwa chekuti vana vane vabereki vasingakwanise kubhadhara mari dzechikoro vabhadharirwe.

Mutemo uyu unotaurawo nenyaya yekuti hakuna mwana anodzingwa nekuti atadza kubhadharirwa mari yechikoro.

Vanasikana vari kuwana rutsigiro rwakakura zvakare kubva kumutemo mutsva uyu.

Hurumende ichange ichiona kuti vanasikana vawana rubatsiro maererano nezvavanoshandisa panguva yekutevera nezvimwe zvinosimudzira utano hwavo.

Kodzero dzevana kuchikoro dziri kukosheswawo pasi pemutemo uyu.

Hakuna mwana achasarudzwa nechikonzero chekuti akambodzingwa kune chimwe chikoro nechikonzero chenyika yake yaakazvarirwa, rudzi rwake, dzinza rake, mutauro, kwaakazvarirwa, kuti akaroorwa here kana kuti kwete, hurema, pamuviri kana kuti akazvarirwa kunze kwewanano.

Makanzuru anofanira kupa ivhu rekuti pavakwe zvikoro.

Zvikoro zvisiri zveHurumende zvava kupatsanurwa mumabandiko maviri kuti zvikwanise kunyoreswa.

ZveHurumende, zvekanzuru pamwe chete nezvemachechi zvisina kunangana nekutsvaga mari hazvifanirwe kubhadhara mari yekunyoresa.

Gakava ragara riripo panyaya yemutauro wekushandisa pakudzidzisa rinogadziriswa nemutemo mutsva uyu.

Mutemo uyu unoti chikoro chimwe nechimwe chinofanira kudzidzisa nemutauro unozivikanwa zviri pamutemo munyika.

Mutauro unoshandiswa pakudzidzisa ndiwo unofanira kushandiswa pabvunzo.

Mutauro wekuzvarwa nawo kuvana ndiwo unofanira kushandiswa kumatanho ekutanga ekudzidza kwavo.

Kurangwa kwevana kwava kuitwa zvichienderana nemutemo kubva pakare pakwaingova nemutemo wekuti vanobatwa sei (administrative policy).

Mitemo inogadzwa negurukota kana nechikoro haifanirwe kutadza kukudza ruremekedzo rwemwana uye kukanganisa panyama kana mupfungwa uye kuranga zvakapfurikidza.

Kuranga kunofanira kuva nemwero zvakanangana neutano hwemwana uye kuda kwake kuti arangwe nenzira iyoyo.

Hakuna mwana anofanira kumbomiswa chikoro pasina kutaurirana nevabereki vake. Kurohwa kwemwana kunorambidzwa zvachose.

Vana vanorarama nehurema vanotenderwa kumbozorora. Zvikoro zvose zvakanyoreswa zvinofanira kuratidza zvekushandisa zvevana vanorarama nehurema.

Munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari anofanira kumema zvikoro zvose zvakanyoreswa achiongorora kuti zvekushandisa nepekudzidzira pevakaremara pakagadzirwa zvinoenderana navo here.

Share This:

Sponsored Links