Kwayedza ndiro bepa: PED… ‘Vana muzvikoro ngavariverenge’ …‘Rizere nezvinyorwa zvonobatsira’

18 Aug, 2016 - 08:08 0 Views
Kwayedza ndiro bepa: PED… ‘Vana muzvikoro ngavariverenge’ …‘Rizere nezvinyorwa zvonobatsira’

Kwayedza

Tandayi Motsi naMalven Mugadzikwa
MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Chamunorwa Kateera, vanorumbidza bepanhau reKwayedza nebasa guru rariri kuita mukusimudzira chidzidzo cheShona muzvikoro pamwe chete netsika nemagariro. VaKateera vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika apo vakapa Kwayedza mubairo wekugona basa pamabiko eHarare Provincial Merit Awards.

“Kwayedza ibepanhau ratiri kudyidzana naro zvakanaka kuburikidza nenhau dzirinoburitsa. Nyaya dzirimo dziri kubatsira zvakanyanya kuvana vechikoro nenzira dzakasiyana.

“Bepanhau iri rakapatsanurwa nemutowo wekuti zvose zvinowanikwa imomo zvinosanganisira kudzidzisa vana chiShona chakanaka, nyaya dzinoitika munharaunda dzakatipoteredza, dzekumatare edzimhosva, dzemitambo, dzekugarisana kwevanhu, kuongororwa kwemabhuku uye nhetembo dzinonyorwa nevanyori vane mukurumbira pamwe chete nedzinonyorwa nevana. Ibepanhau rakanakirawo kuti rine chikamu chakamirira nyaya dzekuzvikoro nedzidzo, cheDenhe Reruzivo, icho chinobatsira chero nekuvatungamiriri vezvikoro nevadzidzisi,” vanodaro VaKateera.

Vanoti gwaro idzva remadzidzirwo anofanirwa kuitwa muzvikoro, reNew Education Curriculum, rinokurudzira vana kuti vafunde zvidzidzo zvechinyakare, tsika nemagariro (Heritage Studies). Izvi, vanodaro VaKateera, zvinofambirana nezvinoburitswa neKwayedza. VaKateera vanoti itarisiro yavo kuti hukama hwebazi redzidzo neKwayedza huchasimbiswa nekuda kwemushandirapamwe wekusimudzira chidzidzo cheShona uyu.

“Shuviro yedu muzvikoro ndeyekuti mwana wose averenge Kwayedza, kunyanya takatarisana nezviri kudiwa neNew Curriculum yedu. Bepanhau iri rinobatsira zvakanyanya panyaya dzeHeritage Studies nekuti ndiro rinokwanisa kudzidzisa vana vamazuv ano kuti kare kwainge kwakambomira sei kuburikidza nenyaya dzinonyorwa mariri. Rakanakirawo pakuti rinonyatsonyora nemutauro wakadzikama uye usinganyadzisi kuti vanhu vaverenge vakagara semhuri.

“Tarisiro yedu ndeyekuti dai Kwayedza raramba rakadaro, kubatana nezvikoro uye kuwedzera mukunyora zvine chekuita netsika dzechivanhu. Vana vedu vave kukura vasingazive zvimwe zvinhu zvechivanhu kuti zvinobva nekupi zvichienda nekupi,” vanodaro. VaKateera vanoti chishuwo chavo zvakare kuti Kwayedza rirambe richiburitsa nyaya dzetsika nemagariro evanhu vatema vakasiyana zvakaita sekurova makuva kana kuti makate.

“Dai Kwayedza rawedzera kupa tsanangudzo kumisoro yenyaya yezvechivanhu yakafanana nekurova gate. Sekuti kana munhu achinzi asvikirwa zvii zvinenge zvaitika uye zvinongouya here ukana kuti sei doro richibikwa panoitwa zvechivanhu netsanangudzo yezvinhu zvakaita sengozi, sekuti inouya zvaita sei.

“Ndinodaro nekuti tsika dzedu dzechivanhu dzine midzi muzvinhu izvi uye hazvisiyane, ndizvo zvinoita kuti munhu ave nehunhu hwakanaka. Mazuva ano vana vazhinji havachakoshesi chero kupa rukudzo kuvakuru nekuti vave kuti rasanei netsika dzedu. Nzira inoita kuti vadzoke mugwara chairo kuverenga bepanhau reKwayedza vachiona zvinoitika muchivanhu chedu,” vanodaro VaKateera. Bumbiro remutemo weZimbabwe rinocherechedza mitauro yemunyika muno inosvika 16 apo Shona iri mumwe wacho.

Otaura nezvekupihwa kwemubairo nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari semucherechedzo webasa guru riri kuitwa mukusimudzira chidzidzo cheShona nebepanhau iri, mupepeti weKwayedza Patrick Shamba, anoti ane mufaro nebasa riri kuitwa nebepa rake mukusimudzira rurimi rwaamai.

“Tagara tichishingairira kuti Kwayedza rive chombo chedzidzo. Panguva iyo mitauro yemuno yakatarisana nedambudziko rekuonekwa seisina basa apo vana vedu vakawanda vari kufarira chiRungu kudarika rurimi rwaamai, tine idi rekuti kuburikidza neKwayedza, tiri kuita chikamu chikuru chekusimudzira mutauro weShona.

“Ichi ndicho chikonzero muKwayedza muine chikamu cheDenhe Reruzivo icho chakanangana nevana vechikoro zvose nevadzidzisi. Chikamu ichi chine zvidzidzo zviri kufarirwa zvikuru nevana avo vanochishandisa sedura reruzivo mukufunda kwavo.

“Saka tinofara zvikuru kuti bazi redzidzo, rinove ratinoshanda naro zvakanyanya, riri kuyemura nekuremekedza basa ratiri kuita mukubatsirana nematicha mukudzidzisa mitauro yemuno,” anodaro Shamba.

Shamba, uyo anove mazvikokota munyaya dzekutapa nekunyora nhau, anoti Kwayedza inodada nekusimudzirawo tsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe.Zimpapers Public Relations and Corporate Affairs Manager, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, anoti kambani iyi inokoshesa mitauro yemuno izvo zvakaona pachive nemapenhau eKwayedza neUmthunywa uye mitauro iyi inoshandiswazve panhepfenyuro dziri pasi peZimpapers dzinoti Star FM neDiamond FM.

“Tine chidokwa-dokwa chedzidzo nekusimudzirwa kwevechidiki, chamangwiza wedu, VaPikirayi Deketeke, vagara vachitipa chisveru chekuti tive nezvirongwa zvinoita kuti vechidiki vafarire kuverenga senzira yekudzorera kunharaunda yatinoshandira. Nekudaro, tinorumbidza mupepeti weKwayedza nechikwata chake nekutunzvaidzwa kwavaitwa uye tinoti varambe vachishanda nesimba kusimudzira Shona inove mumwe wemitauro yemuno.

“Tine zvimwe zvirongwa zvatiri kuita zvekuti zvikoro zvinotenga Kwayedza nemutengo wakaderera kuitira kurerutsira vana,” anodaro. Kwayedza ibepanhau remhuri, iro ragara riripo kwemakore 31 adarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>