kwayedza: nemo nemo

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

l Vana vakaverenga kwayedza vakafara

HAPANA chinhu chinofadza pakunyora bvunzo sekusangana nezvimwe zvinhu zvaunenge wakambosangana nazvo mugadziriro yako yebvunzo idzodzo.Kubva gore richitanga, takanga tichibatsira vadzidzi veO-Level kuita ongororo yemabhuku enganonyorwa nenhetembo kuburikidza nemibvunzo nemhinduro izvo zvange zvichibuda imo muno muKwayedza.

Zvizhinji zvacho zvezvatakabata vana vakazviona zviri zvinhu zvakavabatsira pabvunzo dzavo dzeShona Pepa 2 dzakanyorwa nemusi weChitatu masvondo maviri adarika.

Muchinyorwa chino tichatarisa zvimwe zvinyorwa zvatakaburitsa muchikamu chino izvo zvakauya pabvunzo idzodzi. Tiri kungotarisa zvine chekuita nemabhuku enganonyorwa nenhetembo chete, kwete chikamu chemutauro nekuti takanga tisingatarise mamiriro nemadzidzirwo emutauro.

Gore richitanga takadzidzisa vana mapindurirwo emibvunzo yenhetembo nemabhuku enganonyorwa sezvinotarisirwa neveboka rinotungamira zvebvunzo, reZimsec. Mushure mechikamu ichi, takazoita ongororo yebhuku rinonzi Shoko Harivhikwi, rinove remuunganidzwa wenhetembo, kuchizotevera Tambaoga Mwanangu, Makunun’unu Maodzamwoyo, Ndinofa Ndaedza naNdiko Kusasana? Ongororo iyi yaiitwa tichishandisa mibvunzo nemhinduro. Patakapedza gadziriro dzebvunzo nevana takazovadzidzisa mamiriro ebvunzo nemashandisirwo enguva pakunyora. Mimwe yemibvunzo yatakaita yakadzoka pabvunzo dzakanyorwa masvondo maviri adarika isina kumbonyanya kushanduka. Heinoi mibvunzo yakabvunzwa:

Chikwata A:

5. Kubva muna Shoko Harivhikwi, sarudza nhetembo mbiri chete dzakakufadza. Zvino chiburitsa zvakakufadza zvacho munhetembo idzi wakanangana nezvadzinoreva uye mashandisirwo ezvidavado. [25]

6. Muna Shoko Harivhikwi mune nhetembo dzakanangana nevanhukadzi. Sarudza nhatu chete ugotsanangura zvinhu zvina zvinoburitswa nanyanduri padetembo roga roga. [25]

7. Solomon H. Munorevesa muna Shoko Harivhikwi anofarira kunyora pamusoro perayiro. Uchishandisa nhetembo dzake shanu, buritsa rayiro nhatu dzinopihwa padetembo rega rega rawasarudza. [25]

Yedu mibvunzo yegadziriro muKwayedza yakanga yakamira sekudai:

Solomon H. Munorevesa anofarira dingindira rerayiro mukudetemba kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25] Mubvunzo uyu wakabuda muKwayedza remusi wa18 Kukadzi 2016 papeji 10 uye wakapihwa mhinduro yacho. Mukanyatsozvitarisa munoona kuti hauna kunyanya kusiyana nemubvunzo 7.

Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa naAlex Chirumbwana dzinotaura nezverudo dziri muna Shoko Harivhikwi. Zvino chitsanangura zvadzinotaura pamusoro perudo nezvidavado zvakashandiswa mudetembo rega rega raunenge wasarudza. [25] Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana kubva muna Shoko Harivhikwi ugotaridza mashandisiro avanoita zvidavado. [25] Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa nanyanduri mumwe chete kubva muna Shoko Harivhikwi ugotaridza mushandisiro waanoita zvidavado mudetembo rega rega. [25] Mibvunzo mitatu iyi yakabuda mazuva akasiyana muKwayedza asi mudzidzi akaiverenga akanyatsonzwisisa aikwanisa kupindura mubvunzo 5 webvunzo dzegore rino pasina dambudziko.

Chikwata B:

8. Tsanangura matambudziko mashanu anosangana naRevai muna Ndinofa Ndaedza uchiburitsa kukunda kwaanoita pane rimwe nerimwe rawo. [25]

9. Sarudza zviitiko zvishanu kubva pane zvinotevera, ugozvitsanangura uchiburitsa kuti zvinofambisira rungano mberi nenzira dzipi muna Ndinofa Ndaedza.

(i) Kudzingwa kwaRevai naVaMhake

(ii) Kusangana kwakaita Revai naTafirei otanga rwendo rwake

(iii) Hutsinye hwaDendera

(iv) Kurangana kutiza kwaChandafira naRevai

(v) Kurohwa kwaChigange netsvimbo

(vi) Kutimba doro rakaoma

(vii) Hushamwari hwaRevai, Pondai naChigange

Yedu mibvunzo yegadziriro muKwayedza yakanga yakamira seizvi:

Tsanangura zvimhingamupinyi zvinosangana naRevai murwendo rwake kuenda kwaMutenure uchiratidza kukunda kwaanoita chibingamupinyi chega chega muna Ndinofa Ndaedza. [25] Mubvunzo uyu hauna kunyanya kusiyana newechi8 waiva pabvunzo dzeZimsec dzegore rino idzo dzichangobva kunyorwa. Wakabuda muKuwayedza uine mhinduro dzacho dzizere pataiita gadziriro.

Kubva murungano Ndinofa Ndaedza tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinosusukidza rungano: (a) Chigange (b) Tafirei (c) Chandafira (d) Ishe Machingauta (e) Ishe Dendera. [25] Sarudza vatambi vashanu muna Ndinofa Ndaedza ugotsanangura zvinhu zviviri zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvinofambisira rungano mberi. [25] Mibvunzo iyi haina kusiyana nemubvunzo 9 pamapindurirwo ayo; yakanga iine mhinduro dzacho dzizere patakaiburitisa muKwayedza uye takabva tadzidzisa vana mapindurirwo ayo sezvo ichibva parongetedzo yenyaya. Chakanakira mubvunzo 9 ndechekuti watopa vadzidzi zviitiko zvacho saka chavo kwangova kudoma zvazvinokonzera kuti rungano rwupfuurire mberi.

10. Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitwa naTambaoga muna Tambaoga Mwanangu zvinoratidza kuti ndiye mutambi mukuru. [25]

11. Ndezvipi zvinoratidza kuti Tambaoga Mwanangu rungano rwakaitika pasichigare munyika muno? Tsigira mhinduro yako nezvinhu zvishanu. [25]

Mubvunzo 10 wakangodzoka wakafanana newatakaburitsa mubepanhau rino waiti: Ndezvipi zvinoitwa naTambaoga muna Tambaoga Mwanangu zvinoita kuti timuti mutambi mukuru? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25] Mubvunzo 11 wakadzokazve wakafanana nemubvunzo watakabatsira vadzidzi waiti: Ndezvipi zvinhu zvisere zvinoitika murungano Tambaoga Mwanangu zvinoratidza mararamiro echinyakare? Tsigira zvizere. [25] Mibvunzo yese iyi yakanga yakapihwa mhinduro dzaienderana nezvaidiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>