Kwenda High School yosusukidza STEM

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Kwenda  High School yosusukidza  STEM

Kwayedza

CHIKORO cheKwenda High School icho chiri kuChikomba chiri kususukidza zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) nedonzvo rekufambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset icho chinokurudzira kusimbiswa kwezvidzidzo pamwe nemabasa emawoko.Muhurukuro nemurairidzi weMathematics, Physics neScience pachikoro ichi, VaPasca Shonhiwa, vanoti vanokoshesa zvidzidzo izvi zvikuru sezvo zvichibatsira mukusimudzira upfumi hweZimbabwe.

“Zvidzidzo zvesainzi zvinosimudzira nyika zvakaita sekumaindasitiri nekuti hatizoenda kunze kwenyika tichinotsvaga nyanzvi dzesainzi (scientists) navanachiremba, vanenge vachiburwa muno,” vanodaro VaShonhiwa.

“Tinokurudzirawo vanasikana kuti vaitewo zvidzidzo izvi vachikwikwidzana nevakomana.”

Vanoti zvakare zvakakosha kuti zvidzidzo izvi zvitange kufundiswa kupuraimari.

“Tinodaro nekuti tikadzidzisa vana vedu muno, hakuchina zvekuti tiende kunze kwenyika tichinotsvaga vanogadzira mishonga yemuzvipatara, vanogadzira marobhoti kana migwagwa.

‘‘Izvi tinenge tave kuzviitira toga muno,” vanodaro VaShonhiwa.

Kunze kwezvidzidzo zveSTEM, Kwenda High iri kushandawo nesimba mukudzidzisa History

VaMaxwell Maisiri, avo vanodzidzisa History, vanoti vave nemakore 30 vachifundisa chidzidzo ichi paKwenda.

Vanoti gore rapera, vana veHistory paO-Level vakabudirira nechikamu che92% uye paA-Level vadzidzi vanosvika 122 vakabuda nemaA.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>