Lochinvar ‘chitubu’ chedzidzo

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Lochinvar ‘chitubu’ chedzidzo Vana vepachikoro cheLochinvar Primary School vachiona zvaiitika

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheLochinvar Primary School, icho chiri muHarare, chiri kurumbidzwa zvikuru munyaya dzekupakurira vana dzidzo yemhando yepamusoro uye nekubura shasha mune zvemitambo.

Rumbidzo iyi yakaitwa nemusi weChitatu svondo rapera naDistrict Schools Inspector wedunhu reHigh Glen, VaJoseph Kabasa, avo vaiva muenzi anoremekedzwa pagungano rekupihwa mibairo kuvana vepachikoro ichi avo vakabudirira muzvidzidzo nemitambo yakasiyana.

VaJoseph Kabasa

Kuratidza kuti chikoro ichi “chitubu” pakubura shasha, nemusi weChishanu svondo rapera vana veGrade 1 Percussion vepo vakatora mukombe mumakwikwi akaitirwa kuChitungwiza Aquatic Complex uko vakakwikwidzana nezvimwe zvikoro zvakawanda zvakabva kumaDistrict manomwe emuHarare.

“Kuungana kwataita pano vana vechikoro, vabereki nevadzidzisi mucherechedzo wehunyanzvi hwevana vedu mune zvakasiyana zvinosanganisira kugona muchikoro, zvemutambo netsika nemagariro. Iyi ndeimwe nzira yekupa vana shungu kuti varambe vachida kuita zvinhu zvakanaka munyaya dzekugona muchikoro, mitambo pamwe chete nehunhu hwakanaka.

“Lochinvar ndechimwe chezvikoro zvine mazita makuru munyaya dzekubura nyanzvi dzevana mune zvemitambo nekugona muchikoro,” vanodaro VaKabasa apo vaigashidza vana vepachikoro ichi mibairo.

Mai Joyce Kanengoni

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinofarawo kuti zvisinei nekuoma kwakaita zvinhu munyika, chikoro chino charamba chichishingirira mukupa vana dzidzo yemhando yepamusoro zvinova zviri kuonekwa kuburikidza nekugona muchikoro nekutora mibairo kuri kuita vana.

“Kuvabereki, ndinoti rambai muchitsigira chikoro chino nekubhadharira vana mari dzechikoro uye kudzidzisa vana tsika dzakanaka.”

 

Varairidzi vepaLochinvar Primary School vachipemberera

Mukuru wechikoro ichi, Mai Joyce Kanengoni, vanoti vari kufambirana nenguva mukuvandudza madzidziro evana zvinova zvinoenderana neNew Curriculum.

Pabvunzo dzeZimsec dzeGrade 7 dzakanyorwa gore rakapera, vana vepachikoro ichi vakapasa nechikamu che97 percent.

Share This:

Sponsored Links