Mabasa aDr Manyame anoda kupembedzwa

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KANA pasvika panyaya dzokufambisa mashoko muvanhu, bazi reutano nderimwe remapazi atingapa mukombe nekuti kunyange zvinhu zvakasunga, vanoedza nepavanogona kufambisa mashoko muvanhu, angave ezvirwere zvinenge zvasimuka kana kudzivirirwa kwazvo.

Muzvipatara nemumakiriniki unoona kwakaturikwa mapepa anenge aine tsanangudzo dzinoita kuti vanhu vose, zvisinei nezera, vabate. Kashoma zvikuru kuti vashambadze mashoko mururimi rumwe chete.

Munzvimbo dzose dzandafamba ndinosangana nemaposita akanyorwa nechiRungu, Shona kana neNdebele. Pamusoro paizvozvo, vanoedza nepavanogona kushandisa mifananidzo kuitira vamwe vanenge vasingagoni kuverenga mabhi-i vazivewo.

Izvi zvinobatsirawo vanogona kuverenga nekuti pakazenge pave nemufananidzo, munhu anonyatsonzwisisa sezvo mifananidzo kuri kutaura.

Kana vezveutano vachizvigona, ko mamwe mapazi esainzi, unyanzvi kana nyaya dzeupfumi sei achiita kunge zvose izvi hazvinzwe mitauro yedu kunze kwechiRungu chete?

Bazi reutano rinoziva kuti rinoshandira vanhu, vanhu vanotaura mitaura yakasiyana-siyana, uyewo vanokwanisa kuverenga nekusaverenga.

Asi, bazi reutano panyaya iyi ngaripe mukombe kuna Dr Boniface Manyame nevamwe vose vakavabatsira kuburitsa mazibhuku ezveutano akanyorwa muchiShona. Mabhuku maviri aDr Manyame achangobva kutsikiswa anoti “Denhe reutano neurapi” ne”Duramazwi reurapi”.

Mabhuku aya akatsikiswa neKangodya Books, muHarare.

Chinoshamisa pamagwaro aya ndechokuti hatwusi twumabhuku twezveutano, asi kuti mazibhuku akakura kunge mabhuku aunosangana nawo kubazi rezvokufundira nezveutano.

“Denhe reutano neurapi” zibhuku rine mapeji 431. Kunyange zvazvo “Duramazwi reurapi” riri diki pamumhu, asi rine mapeji 353.

Zvii zviri mumabhuku aya zvatiri kupembedza, uyewo munyori wawo Dr Boniface Manyame ndiani?

Totanga ne“Denhe reutano neurapi”. Muchidimbu, munyori anoti “ibhuku rakagadzirirwa kupa ruzivo rwezveutano nezvirwere kuvanhu vasina kudzidzira zveutano, kuti vave nepekutangira napo kana vasangana navarapi, uye kuvabatsira kunzwisisa tsananguro dzevarapi . . . Rinopa ruzivo rwunosanganisira magadzirirwo nemasevenzero enhengo dzomuviri . . .”

Regai titore muenzaniso mumwe chete mupfupi wokuti kana waenda kuna chiremba uchiti uri ku”fufutirwa” unenge uchirevei.

Dr Manyame vanoti kufufutirwa (pachiRungu abdominal discomfort) zvinoreva: “kusanzwa zvakanaka mumatumbu, achinzwa kunge akagutisa. Munhu paanomedza chikafu, anomedza pamwe chete nemhepo. Imwe yacho inozobuda nokudzvova . . . Vamwe vanhu vanorwadziwa nemhepo iyi mudumbu kana muura, kana kuita ruzha muura.”

Chirwere chimwe nechimwe chavakanyora vanochizazanura zvokuti munhu asingazivi anosara agutsikana nokunzwisisa.

“Dumarazwi reurapi” ibhuku” rakagadzirirwa kupa dudziro dzemazwi anosevenzeswa mune zveutano neurapi semadudzirwo aanoitwa nemadhokotera nevarapi vemuzvipatara nemakiriniki . . .”

Mamwe amazwi atingatora anosanganisira: “chironda – “wound, trauma, injury, ulcer” (muchiRungu). Nzvimbo yemuviri inenge yakuvara zvekuti panotsemuka kana kuti panoita buri kana kukuzvuka kana kubvaruka, kazhinji zvichipinda pasi peganda kana rukanda.”

Munhanganyaya, Dr Manyame vanotiwo, “Mapazi ose eruzivo ane masevenzesero aanoita mamwe mazwi, akasiyana nemasevenzeserwo aanoitwa mazuva ose. Zvimwe chetezvo zvinowanikwa mukutaura nezveutano neurapi.

“Pakutaura kwemazuva ose, dzimwe nhengo dzemuviri dzinogona kuita zita rimwe chete panhengo mbiri dzakasiyana, asi mune zveutano neurapi mazita acho achireva nhengo dzakasiyana. Uye dudziro dzezvimwe zvirwere dzakasiyana mune zveutano neurapi, kune dudziro dzemazuva ose.” Vanopawo zvinangwa zveduramazwi iri.

Munyori wemabhuku aya ndiani?

Dr Manyame chizvarwa cheZimbabwe chakafundira mabasa okurapa paUniversity of Zimbabwe (ichiri Rhodesia). Vakazopamhidzira ruzivo rwavo rwoutano kuSan Diego State Univeristy kudunhu reCalifornia kuUnited States of America.

Dr Manyame vakashanda muzvipatara zvakawanda muZimbabwe vakambovewo chipa mazano kusangano guru reutano pasi rose, reWorld Health Organisation.

Asi, chinonyanyofadza ndechokuti Dr Manyame havana kuda kuti ruzivo rwavo rwuperere muchiRungu.

Vakazvigona nemutowo unoshamisa nokuti mabhuku avo ane vakawanda vakaokera, uyewo akadhindwa nounyanzvi. Kana ukaaona ari muchitoro, unongofunga kuti ndemamwe emabhuku akatsikiswa mhiri kwemakungwa.

Asi, dai apa nepapa vakaisa mifananidzo. Zvingadai zvakanyatsosimudza chinangwa chavo. Asi vakakodzera kupihwa mukombe!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>