Mabasa enziyo mungano

25 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
5. TSANANGURA zvinogutsa kuti nziyo dzaiita basa rei mungano uchishandisa ngano dziri mubhuku iri. [25]

Mungano Mudzimai akadyiswa muko munobuda nziyo dzichishandiswa senzira yekufambisa mashoko pakati pevanhu vakasiyana vari mungano umu. Mungano iyi muna vahosi navakadzin’ina vavo avo vaitaurirana mashoko kuburikidza nokuimba nziyo apo vainge vachiita basa. Vahosi vanoratidza kugunun’una nenyaya yekuputsirwa hari yavo nehuku yanyachide apo vaiimba vachikuya pavaimuudza kuti huku dzake dzine utsinye, uye dzinobatsira vatenzi vadzo kurwa godo repabarika.

Vahosi vanoimba vachitukirira mukadzin’ina vachiti:

“Ihe ihe vakafa hapana chavakaona,

Varume havana mugoni,

Nyachideyo ane meso akatsvetsvereka, . . .”

Pazuva rinotevera vakadzin’ina vanoendawo paguyo voimba vachituka vahosi pamusoro peshanje yavo.

Mashoko anofambiswa kuchishandiswa nziyo. Izvi zvinoburitsa kuti nziyo dzaive nebasa rekufambisa mashoko pakati pevatambi kuti vazive zviri kufungwa nemumwe wavo.

Nziyo dzaivewo nebasa rekudzidzisa vateereri kushaura sezvo patsika namagariro aVaShona vanhu vaigara vachishaura pazviitiko zvakaita semapira nepakuita mabasa akasiyana-siyana.

Mungano inonzi Mukadzi neshumba – munhu mune kuimba kunoitwa apo mushauri anoimba rwiyo rwekuti, “Chikuhuhu nyarara . . .”

Mungano iyi munobuda pfungwa yekuti nziyo dzaive nebasa guru rekudzidzisa vana kuimba izvo zvaiita kuti vazove tsuri dzamangwana muupenyu.

Tinopedzisa mubvunzo uyu svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links