Mabikirwo anoitwa bhinzi

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Mabikirwo anoitwa bhinzi

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU naMuchaneta Chimuka
BHINZI kudya kunopa mapuroteni uye dziri nyore kubika.

Svondo rino Norest Chivamba wekuChiredzi anorondedzera mamwe mabikirwo ekudya uku.

Zvinodiwa:

Bhinzi dzakaomeswa, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta, chikari nemvura.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti dzipfave dzigozokasika kuibva.

Nyurura bhinzi wodziisa muchikari kana poto ine mvura yakawanda.

Dzikwatise kusvika dzaibva, uchiwedzera mvura.

Kana dzaibva, tora pani uise mafuta akaringana.

Chekerera hanyanisi wokanga, wozochekerera matomatisi kuti ugadzire muto.

Kanda munyu wakaringana wozoisa bhinzi imomo.

Pindura zvisangane zvekusara zviine muto wakakora uye wakatsvukirira.

Kana dzaibva, chidya bhinzi nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>