Madhigirii 12 oshaya basa

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Madhigirii 12  oshaya basa

Kwayedza

Vusumuzi Dube —
HURUMENDE ichange ichiita ongororo yezvimwe zvezvidzidzo zviri kuitwa kumayunivhesiti mushure mekuonekwa kuti madhigirii anokwana 12 achange asisina maturo panosvika gore ra2040 nekuda kwekuvandudzika kuri kuita ruzivo rwechizvino-zvino.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa vanoti mamwe emadhigirii anogona kushaya basa nekufamba kwenguva anosanganisira Media and Society Studies, Political Science, Paralegal, Tourism and Hospitality Management, Pyschology, Accounting, Business Administration, Marketing, Economic History, Heritage, Pharmacy and History.

Vanoti madhigirii aya anogona kushaya maturo nekuda kwekusanduka kuri kuita ruzivo rwechizvino-zvino.

Kusanduka kweruzivo rwechizvino-zvino kunouya nepakawanda, kusanganisira kubviswa kwemamwe mabasa aripo achitorwa neruzivo irworwu izvo zvinoita kuti mabasa kana zvidzidzo izvozvo zvisaonekwa sezvakakosha nekuti basa raiitwa nevanhu rinenge roitwa nemichina.

“Zvinokonzera kuti zvimwe zvezvidzidzo izvi zvishaye basa zvinosanganisira kuvapo kweruzivo rwechizvino-zvino kumaindasitiri nekushandiswa kwedandemutande, dzidzo yeSTEM nekuvandudzwa kweruzivo rwetsvakurudzo,” vanodaro Dr Gandawa.

Vanoti dzidzo yepamusoro inofanira kuvandudzwa kuitira kuti ifambirane nenguva.

“Zvakakosha kuona zvakanakira ruzivo rwemichina yechizvino-zvino uye kuti dzidzo yepamusoro inge ichivandudzwa zvekufambirana nenguva,” vanodaro.

Zvisinei, Dr Zvenyika Mugari, avo vanova deputy dean ku- Faculty of Social Sciences pa- Midlands State University, vanoti hazvikwanisike kuti madhigirii aya ange achishaya maturo sezvo vachigara vachivandudza dzidzo nguva nenguva kuitira kuti ifambarane neruzivo rwechizvino- zvino.

“Kana tichifambisa dzidzo yedu, hatimiri tiri toga nekuti tinenge tichitevedza shanduko dzose dzinenge dzichiitika maringe neruzivo rwechizvino-zvino kuti tifambirane nenguva. Tiri kuramba tichivandudza zvidzidzo zvedu zvemadhigirii kuti zvirambe zvichitambirwa kunyangwe mumaindasitiri,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vadzidzi vanosvika 30 000 vari kupedza dzidzo yemadhigirii pagore kubva kumayunivhesiti akasiyana munyika muno.

Zvakadai, Hurumende iri kushora mamwe emayunivhesiti aya ichiti ari kubura vadzidzi vanongotsvaga basa chete panzvimbo yekuti vazvishandire, kuvambawo mabasa vachizova vashandirwi.

Share This:

Sponsored Links