Madhumeni oita chirongwa muzvikoro

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Madhumeni oita chirongwa muzvikoro VaRonald Masuwa naMuzvare Tallence Sanyangowe vaine vana vepachikoro cheTafira Primary School

Kwayedza

Daphne Machiri
KAMBANI yakazvimirira yeHarvestPlus yakavamba chirongwa chekupakura dzidzo yezvekurima kuvana vechikoro ichibatsirana nemadhumeni kumativi ose eZimbabwe nedonzvo rekuvandudza zvidzidzo zvemabasa emaoko uyewo nekuti vana vawane chikafu chinovaka muviri apo vanopihwa zvekudya kuchikoro pasi peSchool Feeding Programme.

Mukushi wemashoko weHarvestPlus, Mai Martha Katsi, vanoti donzvo ravo rakananga kuvandudza zvidzidzo zvekurima muzvikoro pamwe nekuti vana vawane kudya kunovaka muviri.

“Mwana wechikoro anofanirwa kudzidza akaguta zvinova zvinovhura njere dzake. Tiri kuti vana ngavazive kukosha kwekurima,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaRonald Masuwa, avo vanova mudhumeni weAgritex munzvimbo yeWadhi 12, kwaZvimba, kuMashonaland West, vachiti vari kushanda pamwe chete neHarvestPlus mukusimudzira zvidzidzo zvekurima muzvikoro.

“Ndinoshanda nezvikoro zvepuraimari nesekondari zvemuWadhi 12 zvinosanganisira Tafira Primary School neTafira Secondary School.

“Zvimwe zvikoro zvinosanganisira Kanyemba Primary School zvakapihwa mbeu yechibage cheOrange Maize pachena nebhinzi dzerudzi rweNua 45 idzo dzine Iron neZinc zvinodiwa pakuvaka muviri.

“Sangano iri riri kutsigira zvirongwa zvakaita seNutrition Day muzvikoro apo vana vanoratidza zvavakarima pamwe nekupangana mazano kuburikidza nemakwikwi ekwizi,” vanodaro VaMasuwa.

Vanoti zvidzidzo zvemaoko zvakakosha sezvo zvichiita kuti vana vakwanise kuwana raramo mune remangwana.

“Kuenda kuchikoro haisi nyaya yekuti vana vazotsvaga mabasa vapedza asi kuti mabasa anototanga kugadzirwa vari mazera madiki,” vanodaro.

Muzvare Tallence Sanyangowe, avo vanova mudzidzisi wezvekurima paTafira Primary School, vanoti vana vepachikoro chavo vari kubatsirikana zvikuru kuburikidza nezvidzidzo zvekurima izvi.

“Vana vedu vari kunzwisisa zvakanyanya kukosha kwezvidzidzo zvekurima izvi uye zviri kuvabatsira pamazamanishoni avo pavanopindura mibvunzo inoda ruzivo rwakaita sekugadzirira kurima nekusima mbesa dzakasiyana urwo tiri kupihwa nemadhumeni,” vanodaro.

Vanoti kurima kwavari kuita kuri kuvabatsira zvakare kuwedzera chikafu pasi pechirongwa chekupa vana zvekudya, cheSchool Feeding Programme.

“Takarima chibage cheOrange Maize pachidumbu cheeka chinova chine kudya kunovaka muviri sezvo chichipa Vitamin A, uye takarima bhinzi dzine kudya kunosanganisira Zinc neIron izvo zviri kubatsira vana vedu kukura zvakanaka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links