Madzimai apihwa maUS$500

19 Dec, 2021 - 07:12 0 Views
Madzimai apihwa  maUS$500 Madzimai akabatsirwa nemari yemabhindauko avo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHUKADZI vanove nhengo dzesangano reSister Accord Foundation vowaniswa rutsigiro rwemari yekuita mabhindauko ayo anovapa chouviri, zvikuru munguva ino yechirwere cheCovid-19 icho chiri kukanganisa raramo yevazhinji.

Nguva pfupi yadarika, mamwe emadzimai aya akapihwa rutsigirwo rwemari inosvika US$500 pamumwe nemumwe wavo nesangano iri uye vakasarudzwa mushure mekunyorera magwaro kumutungamiri weSister Accord Foundation, Sonia Jackson Myles weUnited States of America, vachikumbira rubatsiro urwu.

Thabani “Manjenje” Gambiza, uyo anova brand ambassador wesangano iri, anoti anofara kuti madzimai aya arangarirwa panguva yakaoma.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kuramba chichiwanda munyika nokudaro mamwe madzimai ari kurasikirwa nemabasa uye vamwe vanoendawo kumabasa asi mari yavanowana isiri kuvakwanira. Saka takaona zvakakosha kuti madzimai, sezvo vari ivo vanotakura mitoro yose yemhuri kusanganisira kupepa varwere mudzimba, kuriritira mhuri kuona kuti vadyei nekuti vana vaenda kuchikoro, vanoda kutsigirwa mumabhindauko anovapa mari.

“Pakutanga Sonia akanga ati achabatsira mudzimai mumwe chete bedzi asi nekuda kwekuti akashambadza nezvematambudziko ari kusanganikwa nemadzimai akangoerekana awana vatsigiri vakawanda zvikaita kuti madzimai anowaniswa rubatsiro urwu asvike matanhatu,” anodaro.

Anoti madzimai akawaniswa mari iyi mamwe anoita mabhizimusi ekubheka makeke, kukuya dovi, kupfuya huku nekusona mbatya.

Achitaura padandemutande, Sonia anoti zvakakosha kuti madzimai ange achiumba mapoka ayo vanoshandisa mukusimudzirana mumabasa avo.

“Sangano reSister Accord riripo pakuti tipanane rudo rwemukoma nevanin’ina, zvikuru mukusimudzirana mumabasa emaoko nekuburitsa zvipo zviri matiri kuburikidza nekushanda nesimba. Hatidi madzimai anoswera achiita mabasa ekunyeyana nekuti hazvina zvazvinobatsira.

“Ngatikurudziranei kuita mabhindauko anotipa chouviri uye kudzidza kubva kune vamwe tichishanda nesimba, tinoona tichibudirira uye mhuri dzedu nevamwe vatinogara navo munharaunda vachibatsirikana,” anodaro.

Laura Chinyama, uyo anova mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, anoti anofara zvikuru nekuti rutsigirwo rwemari yebhezari urwu rwuchamurerutsira mudzidzo yake.

Alice Chinake anoita basa rekubheka makeke kuChitungwiza anotiwo anofara zvikuru nekuwaniswa rutsigiro rwemari.

“Ndainetsekana pakubheka makeke sezvo magetsi ari kugara achienda nokudaro mari iyi ndava kunoishandisa kutenga chitofu chegas zvichaita kuti ndisarasikirwe nemakasitoma angu,” anodaro.

Petronella Mubaiwa, uyo ari kuita bhindauko rekupfuya huku, anoti mari iyi ichamubatsira mukusimudzira basa rake.

“Tichada kuti tive nemvura yakawanda inoita kuti bhizimusi redu rehuku rikure. Tiri kushanda tiri chikwata chemadzimai mashanu saka tichapinza vamwe mabasa kune vaye vanouyawo vachitsigira nekuti basa rehuku rakakura.

“Tichawedzera huku dzedu kubva pazana kuenda pa5 00 kusvika 1 000 pasvondo mbiri dzega-dzega zvichienda kumberi. Kusimudzirwa kwemudzimai, kusimudzirwa kwenyika,” anodaro.

Angeline Sithole anoti anogadzira masoseji achitengesa zvinova zviri kubatsira mhuri yake nevamwe vagari vemunharaunda.

Vamwe vakabatsirwa pasi pechirongwa ichi ndiMarvelous Chiwawa anokuya dovi naNomsa Rwodzi anorima bhinzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>