Madzimai opunduka nekurima

06 Oct, 2021 - 07:10 0 Views
Madzimai opunduka nekurima Madzimai achiratidza zvaanorima nekugadzira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI anova nhengo dzesangano reWomen in Agriculture Union (WUA) vari kuita mabasa makukutu ekurima pamwe nekuvandudza zvirimwa zvavo vachigadzira kudya kunovaka muviri semufushwa, jamhu nedovi izvo zviri kuvabatsira kuti vakwanise kurarama nemhuri dzavo munguva ino yekurwisana nechirwere cheCovid-19.

Mai Olga Nhari vanova sachigaro weWUA vanoti kurima kuri kusimudzira madzimai zvakanyanya.

“Denda reCovid-19 parakatanga kupinda munyika muno, mabhizimusi ekurima akambodzorerwa kumashure asi tinofara nekuti mwaka wadarika mvura yakanaya yakawanda uye varimi vedu vaive nezvekushandisa zvakakwana mushure mekuwaniswa rutsigiro neHurumende pamwe nemamwe masangano.

“Tinofarawo nekuderera kuri kuita chirwere ichi munyika muno zvinova zvava kuzarurira madzimai edu mikana yekurima uye kutengesa goho ravo nekuti bhizimusi rekurima rinosanganisira nyaya dzekushanya uye kusangana neveruzhinji,” vanodaro.

Madzimai aya ari mumabhindauko ekuchengeta huku dzenyama uye mazai, kurima miriwo, matomatisi, kugadzira machipisi emabhanana, kukuya dovi, kugadzira zvinwiwa zvinobva mumawuyu kana masawu nezvimwe zvakawanda.

“Tiri kuita zvose izvi tichitevedza zvataingoita makare nekuti kudya kwechinyakare kunovaka muviri nekudzivirira zvirwere. Tinovafundisa kufusha miriwo yemhando dzose, mufushwa wematomatisi, wehowa, kuomesa mhodzi dzemanhanga uye kubika sadza rezviyo, remhunga kana remapfunde.

“Chikafu chemhando iyi chiri kufarirwa mumisika nekuti vanhu vazhinji vave kuziva kuti chinobatsira mukudzinga zvirwere secheshuga nebp uye kunyangwe chikadhura sei, vanhu vanotenga,” vanodaro.

Mai Nhari vanoti vanofundisa zvekare madzimai kuchengeta hove.

“Bhizimusi rekuchengeta hove rakakosha zvikuru muupenyu nekuti tinowana mapuroteni, mari uye riri nyore kuita kana munhu achinge awaniswa ruzivo nevarimisi. Asi hove kana ukangoda kudzichengeta usingazive zvinodiwa sechikafu, kugadzira mvura yadzo pamwe nekuona kuti dzawana mweya wekufema unogona kurasikirwa nadzo mukati menguva diki,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey