Madzinza nemitupo

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
“MAITA Mbuya Chikonamombe chigumbu chineunye, vari Gohombwe, vai Rare. Hekani Dzete, Gusho Manyuka yangu yiyi. Zvaitwa zviHota vana vaMaromo vakabuda murenje. Makanyaya churu namate chikava murove. Maita vari Gangarahwe, vasina mhezi vakazadzwa navaranda. VekwaSadzadete gobvu rinokonza. Chigumbe chineunye, chinotodenhwa usiku nekuti kuchidenha masikati chinovava. Zvaonekwa Munyame mhara inobhururuka.”

Ava vaera mhara vanenge vachidetemberwa nekukudzwa kubudikidza nemitupo nemadzinza avo. Mitupo rupawo runoratidza vanhu vedzinza rimwe chete uye vakabva padzinde rimwe chete.

Mitupo yakatanga kare, chero nemubhaibheri chaimo munotaurwa zverudzi rwaDhavhidhi uye nedzinza rake. Zvine zvazvaiitirwa kuti vanhu vagozivikanwa nerupawo urwo rwaibatsira mumabandiko akasiyana ehupenyu.

Chainyanya kuda kudzivirirwa kuti vanhu veropa rimwe vasaroorana. Tsvagurudzo inoburitsa kuti zvainzi vanhu vakaroorana veropa rimwe, vaizvara vana ndonda, pamwe pacho kutozvara zvirema. Vanhu veropa rimwe vane hukama uye dzinde ravo rimwe chete, nekudaro mhodzi inobuda mumbeu iyi inenge isina kugwinya.

Chikonamombe haafanire kuroora vanaMaromo. VanaMaromo ndivo vanhukadzi vedzinza revaera mhara. Vanhu vemutupo vakadanana ndiwo anonzi makunakuna. Kana vashingirira nemakunakuna iwayo kusvika musvitsa kana wanano, vanopedzisira vabvisiswa mbudzi kana mombe chena isina ruvara inonzi chekaukama.

Kare vanhu vaifungidzirwa kuti zvose zvavaiita zvaikonzereswa nekashavi kainge kakatakurwa naiye nyakuita zvikukutu. Zvino shavi iroro raizopembedzwa nekutunhidzwa kubudikidza nekudetemberwa kwemutupo. Kudetemberwa nemutupo kwaiita kuti shavi riya rigoita zvakawedzerwa. Vamwe vaizivikanwa nemashavi ekuvhima, vamwe ekurwa chaiwo saka kana aizenge adaidzwa nemutupo aibva amera zenze, obva awedzera masimba mukuita ikoko.

Kudanwa nemutupo zvinongoratidza chiremerera. Unenge wapiwa rukudzo rukuru.

Mitupo yose yakanyanya kurerekera kumhuka nekudaro muera mhara haafanirwi kudya mhara. Ukadya mutupo wako zvinonzi unodonha mazino ose. Izvi zvaiitirwa kuti vanhu vakoshese mitupo yavo uye kana uri soko ukadyawo tsoko unenge wazvidya iwe pachako.

Kare mitupo yakanga isina mipatsa asi nemhaka dzekuda ushe newanano, vanhu vakatanga kudunhurira mitupo yavo vachida kungoti siyanisei nedzinde rekutanga kuti kutonga kwavo newananano zvigova namaturo. Kubudikidza nemitupo, vamwe vanhu vane zvavanoeresa mukurarama kwavo. Tingatora muenzaniso wevaRemba kana kuti vaMwenyi. Vanhu ava vane mararamiro avo akasiyana neruzhinji. Havangodye chero nyama asi kuti vanodya nyama yakadonhedzwa ropa rose mushure mekuchekwa. Nokudaro chose chauraiwa vanochirembedza kuti chirase ropa rose.

Vanoti ropa rose rine zvirwere saka havafaniri kudya nyama ine ropa nekuti haina utano.

Nhaurwa yekuchecheudzwa vanoikoshesa zvikuru kusvika pokuti mukomana asina kuchecheudzwa, chero akura sei, haabvumidzwi kugara padare nevamwe uye chero chaanouraya hachidyiwi nevakachecheudzwa. Zvoreva kuti vose vemutupo uyu vanokoshesa nekutevedzera tsika iyoyi.

Ukazoonawo vana Sinyoro nanaMusiyamwa votevedzera tsika yevaRemba, vanenge varasa rupawo rwavo. VaRemba havadyi nyama yenguruve nemhaka yekuti mhuka iyi vanoifananidza nehutadzi hukuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>