Madzitezvara orikita mukuwasha

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Madzitezvara orikita mukuwasha

Kwayedza

Muhamed Komboni

VARUME vaviri vemubhuku rekwaNyadongo, kwaMambo Zimunya, kwaMutare, vari kumira mudare redzimhosva vachitarisana nemhosva yekurikita mukuwasha wavo.

Panonetsa Chapanduka naGilbert Chapanduka vanobvuma mhosva yekurova mukuwasha wavo Never Taworamwoyo pavakamiswa pamberi pemutongi Notebulgah Muchineripi.

Muchuchisi Godswish Dzivakwe anoti nemumwe musi usina kuzivikanwa nedare, Taworamwoyo akabvunza mukadzi wake kuti sei akange apedza zuva rose ari kumba kwavo asina kusiya abikira vana zvokudya.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti pamuke kusawirirana pakati paTaworamwoyo nemudzimai wake zvikaita kuti adzokere kumusha kwake uko akanoudza hama dzake nezvenyaya iyi.

Paakadzokera kumba kwaive nemurume wake, mudzimai uyu anonzi akaenda nehama dzake mbiri — Gilbert naPanonetsa — kuti vanomuyananisa naTaworamwoyo.

Mukukurukura kwakaitika, Panonetsa naGilbert havana kunzwanana nemukwasha wavo sezvo achinzi akavaudza mashoko asina kuvafadza.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti madzitezvara aya vakwakukire mukwasha wavo nehasha ndokumurikita nezvibhakera, kumukava neshangu pamwe chete nekumutunga nemisoro.

Taworamwoyo akakuvara paziso rake rekuruboshwe kunyangwe zvake asina kukwainisa kuenda kuchipatara kuti anoongororwa.

Achipawo divi rake mudare, Panonetsa nemumwe wake vanobvuma mhosva iyi.

“Mambo wangu mhosva ndinobvuma, ichokwadi kuti ndakarikita mukuwasha wangu mushure mekunge tatadza kuwirirana.

Pandakaenda kunovayananisa kumba kwavo, mukuwasha akandipa mashoko anodzimba zvikaita kuti ndimubate nehasha ndokumurova,” anodaro Panonetsa.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri.

Share This:

Sponsored Links