Mafambiro emhuka

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

KANA tonyoTra zvinyorwa zvedu tave kuzvikoro zvepamusoro tinofanirwa kuratidza kuti takawana hwaro hwakakwana pasi apo taidzidza zvakawanda. Tinofanirwa kuva neruzivo rwuzere pamusoro pemhuka kwete kungoziva vana nemazita adzo.Ngatimbotarisawo mafambiro anoita mhuka dzakasiyana-siyana kuitira kuti tikanzi tinyore rondedzero pamusoro pemhuka tinenge tava neruzivo rwakakwana pamusoro pemhuka idzodzo.

Kune mhuka dzinonyahwaira. Pakunyahwaira tiri kutaura mafambiro asina mutsindo. Aya mafambiro aya anonyanyoitwa nemhuka dziya dzinodya nekuvhima dzimwe mhuka. Tine mhuka dzakaita seshumba, dindingwe, nzunza kana mbada. Idzi mhuka hadzifanirwe kuvhundutsira dzadzinofanirwa kudya nekudaro dzinofamba dzichinyahwaira dzichiswedera pedyo nedzadzinenge dzichida kubata. Mubandiko iroro remhuka dzinonyahwaira munopindawo zvidembo, katsi, majerenyenje, majachacha nenhire. Kana shumba yakaguta inonzi inotanaira pakufamba kwayo asi kana yomhanya inoripitika.

Mhuka zhinji dzine mahwanda kana mazondo anotsemuka napaviri dzine mafambiro nemamhanyiro akada kungofanana. Mhuka idzodzo dzinotyakaira nekuripitika. Tinowana mhuka dzinoti mombe, ngwarati, ngongoni, nondo, mhofu, bimha, zvipembere kana nyati. Vafudzi vemombe pavanenge vachirimbinyutsa mombe vachienda kumatanga zuva rovira kana kuenda kudhibhi, mahwanda acho anonzwika kuti tyaka tyaka, ndiko kusaka dzakanzi dzinotyakaira. Mafambiro anoita makumbo adzo kana dzomhanya anoti ripiti ripiti, ndiko kusaka zvichinzi dzinoripitika pakumhanya.

Kune rimwe bandiko remhuka dzine mufambiro wekusvetuka svetuka. Mhuka idzi dzinonzi zvakare dzinochiruka chiruka, kuuruka uruka kana kutomuka tomuka. Ndimo matinowana makudo netsoko dzinova mhuka dzinogara dzichingodanha pamatombo nemumiti. Imomu zvakare munowanikwa magwee, mbira, mhunha, nhiriri netsindi. Kana toshandisa nyaudzosingwi muzvinyorwa zvedu tinoti dzinoti svetu-svetu.

Zvine manenji kunzwa kuti mhuka dziri (mumupanda) mubandiko iroro dzapunzika kana kuti dzadonha.

Gava, imbwa, mhumhi kana bere zvinoswetaira. Kuswetaira uku kunoitika kana mhuka idzi dzakaguta uye pasina chadziri kudzingirira. Kana dzodzingirira chinhu dzinokwaruka nekuti kuse.

Mbudzi, mhembwe nemhene dzinoduwaira kana dzisina chadzinoshuvira. Mbudzi kana iine nzara, yanonoka kuburitswa muchiwaya, inoparapatika ichidambura zvokudya. Ndizvo zvimwe chete nemhembwe nemhene kana dziine nzara. Kana pava panjodzi, mhembwe nemhene zvinouruka kana kusvetuka zvikuru.

Mbeva dzakaita sedapi dzinotauka tauka. Dzinogona zvakare kutomuka tomuka kana kurazvuka.

Datya rinouruka kana kusvetuka svetuka. Kana paita njodzi, datya rinotatamuka nekudanha. Gakandye rinochewaira kana kunjewaira. Nyoka inozvongonyoka kana kuti inosvodoroka. Dahwa rinodauka dauka ukuwo dhadha kana sekwe rinotakashika. Chikwari kana hanga zvinototonha asi hangaiwa inodombaira. Hurekure inototovara zvimwe chete nefudzamombe.

Mbizi inodzedzema nekumata chero zvazvo ichikwanawo mukutyakaira. Kuna kamhuka kanonzi tyoni, kanonzi kanodukwaira.

Share This:

Sponsored Links