Makore 5 mujeri aba mota

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MURUME wekuChitungwiza akadzidza kuti humbavha hauna chimuko zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva nedare reko yekuba motokari ndokuitengesa zvikaita kuti atongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu.

Takemore Mapunga (24) wepanhamba 4593 Unit C, akabatwa nemhosva yekuba motokari yerudzi rweToyota Ipsum ine nhamba dzinoti ACD 2026 yaMike Makumbe (28) wepanhamba 16338 Unit N, kwekare kuChitungwiza.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Oliver Mudzongachiso, akatemera Mapunga chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu azere.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa25 Nyamavhuvhu 2016, mumhan’ari akapaka motokari yake pachivanze pake ikatora mwedzi wose iripo sezvo mukoma wake akange akaenda nemakii ayo.

Mapunga akatora mukana uyu ndokuhaya motokari inodhonza dzimwe dzinenge dzaita tsaona kana kuti dzakafa, achibva aenda kunoba motokari iyi asi akawanikidzwa nemuridzi wayo achiidhonzesa husiku.

Makumbe akabva kubasa munguva dzemanheru ndokuwana motokari yake yave kudhonzwa nemutyairi webreakdown anonzi Michael Chere.

Akamubvunza, ndokupindurwa kuti motokari iyi yaiendeswa kumapurisa sezvo yakange yakaita tsaona.

Panguva iyi, Mapunga akange akahwanda kuseri kwemotokari yaidhonza mota yaakaba iyi.

Makumbe akaudza Chere kuti amumirire apo aiisa bhegi rake mumba kuitira kuti vaende vose kumapurisa. Asi paakazobuda mumba, motokari yake yakange yatodhonzwa yave chinhambwe chemamita 500 kubva pamba pake.

Akabva atevera kumapurisa uko akavazivisa zvaiitika sezvo akange atora nhamba dzemotokari yaidhonza mota yake asi haina kuwanikwa.

Zvadaro, rimwe zuva apo Makumbe aienda kubasa, akaona motokari yebreakdown iya yaive yashandiswa kudhonza mota yake iri paChikwanha Shopping Centre, kuChitungwiza, achibva azivisa mapurisa.

Kuferefeta kwakaitwa nemapurisa kwakazoita kuti Chere asungwe.

Chere akaudza mapurisa kuti akange anyeperwa naMapunga kuti akaita tsaona nemotokari yake nokudaro akaisiya yakaipaka kwenguva refu nekuti aitya kurohwa nevanhu vakamuona achiita tsaona.

Akati Mapunga akamuudza kuti aida kuti motokari yake idhonzwe husiku kuitira kuti asaonekwa nevanhu vakamuona achiita tsaona.

Nomusi wa3 Kubvumbi gore rino, mumhan’ari akazoona zvakare motokari yake ichiiswa imwe pendi pane rimwe garaji kuChitungwiza.

Ongororo yemapurisa yakaratidza kuti Makumbe akatengesera Andrew Mawuru mota iyi.

Mawuru akataridza mapurisa gwaro rechibvumirano chaakaita naMakumbe pavakatengeserana motokari iyi asi riine kero yemusungwa uyu.

Motokari iyi inokosha $4 100 asi pakawanikwa zvinhu zvaikosha $500 sezvo zvimwe zvakabviswa ndokutengeswa.

Mapunga akabvuma mhosva yake pasina kukakama.

“Mhosva yekuba mota iyi ndinoibvuma. Ndakatora mota iyi kumba kwemumhan’ari kwayainge yakapakwa ndikanoitengesa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>