Mamwe mayunivhesiti achavakwa: Gandawa

11 Jul, 2014 - 15:07 0 Views
Mamwe mayunivhesiti achavakwa: Gandawa DR Godfrey Gandawa

Kwayedza

DR Godfrey Gandawa

DR Godfrey Gandawa

HURUMENDE iri kushanda nesimba mukuedza kuti purovhinzi yoga-yoga munyika ive neyunivhesiti nechinangwa chekuti vadzidzi vawane fundo yepamusoro. Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemishina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reNational Assembly svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weHwange East mudare iri, VaBekithemba Mpofu.

VaMpofu vaida kuziva kana Hurumende iine hurongwa hwekuvaka makoreji neyunivhesiti kudunhu reHwange.
Dr Gandawa vakati pari zvino bazi ravo riri kushanda zvakasimba kuti Lupane State University ipedzwe kuvakwa, uye ichabatsira zvakare vadzidzi vekuHwange.

“Bazi redu riri kuda kuti mupurovhinzi yoga-yoga muve neyunivhesiti imwe chete. Pari zvino tiri mushishi yekuti Lupane State University, iyo iri muLupane District, ipedze kuvakwa. Vagari vemuHwange vanofanirwa kubatsirika kubva kwairi nekuti iri pedyo navo uye inopa zvidzidzo zvekurima kunyanyisa,” vakadaro.

Dr Gandawa vakati chinangwa chebazi ravo ndechekuti Lupane State University, iyo pari zvino zvidzidzo zvayo zviri kuitirwa kuBulawayo, inge yave kushanda mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino.

“Izvi zvinoreva kuti panofanirwa kunge paine zvekushandisa kuti yunivhesiti iyi ipedzwe kuvakwa nekuchimbidza, kuti ikwanise kushandiswa zvakakodzera,” vakadaro.

Vakati hapasati pava nehurongwa hwakanyatsoti tsvikiti hwekuvaka makoreji kana yunivhesiti kuHangwe.
Dr Gandawa vakati ongororo yakaitwa nebazi ravo inoratidza kuti huwandu hwevanhukadzi kumayunivhesiti huri kuenda huchikwira kana zvichienzaniswa nakare.

Vakaenderera mberi vachiti pamayunivhesiti 15 akanyoreswa kubazi ravo, 13 acho, asingasanganisire Ezekiel Guti University in Africa neReformed Church in Zimbabwe University, ava nevadzidzi vaisvika 53 095 mugore ra2011 ndokuwedzera kuenda pa65 825 muna 2012.

“Vanhukadzi vaive chikamu che43% pavadzidzi vose pamakore maviri aya. Kune mamwe mayunivhesiti ari kuita zvakanaka panyaya yekutora vanhukadzi.

“Ongororo yatakaita inoratidza kuti muna2011, Women’s University in Africa pavadzidzi vavo vanhukadzi vaive chikamu che74% chinova chiri pamusoro apowo Harare Institute of Technology yaive nechikamu che24% mugore rimwe chete,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>