Manyorerwo erondedzero

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
KOTORO zvoyoda kunopera kudai ndipo panopinda kunyorwa kwerondedzero mubvunzo, iyo inotakura zvibodzwa makumi maviri.

Huremu hwerondedzero hunobata basa guru mukubudirira kana kuondomoka kwevana mubvunzo, nekudaro vana vanofanirwa kupihwa dzidziso yakakwana kuti goho ravo risataputswa nekuda kwekutadza kutevedza zvinodiwa.

Rondedzero dzine muronga wadzo unofanirwa kubatwa nemazvo kuti dzigobuda sezvinotarisirwa. Manyorerwo erondzero anobva kumhando yacho yerondedzero iri kuda kunyorwa nekuti mhando dzerondedzero dzakati wandei.

Chikuru chinodiwa parondedzero ndechekuti pfungwa dzemunyori dzigotevedzana dzichipindirana nekukochekerana zvekuti muverengi haatambudzike nekutsvaga kunenge kuchienda nyaya. Zvinoreva kuti pfungwa dzemunyori dzinofanirwa kutenderera pachinhu chimwe chete chaanonyatsoziva nezvacho.

Hezvinoi zvinobatsira pakuvaka rondedzero yakanaka. Verenga misoro yese yenyaya wonyatsoinzwisisa. Chitsvaga musoro waunonyatsonzwisisa uye waune pfungwa dzakawanda nezvawo. Izvi zvinoitirwa kuti munyori asapererwa nezvekunyora mwero uya wekupedza rondedzero usati wasvika.

Zvakanaka chose kuti unyore pachipepa pfungwa dzose dzinenge dzichiburuka mumusoro semauiro adzo. Kana wazova nezvekunyora kana kuti pfungwa dzaburuka mumusoro wadziisa pasi,chidzironga zvakanaka nenzira yaunoda kuti rondedzero yako igofamba nayo.

Kana waronga pfungwa dzako zvakanaka chitanga kunyora nyaya yako uchiparura chikamu chega chega nepfungwa huru iyo inozosimbiswa nezvitsigirapfungwa huru izvo zvinozarura nekunanika pachena zvakagukuchirwa mupfungwa huru. Chikamu ichocho ngachisatakura gomarara nekuti rinopfupfunyura zvanga zvichiumbika.

Kana ndichiti gomarara ndinoreva mashoko asingaenderane nepfungwa huru. Chikamu chega chega chinozvimirira nepfungwa dzacho. Kana woenda kune chimwe chikamu siya wapendera chiya chawanga uchinyora nemupendero wakaringana (befitting conclusion).

Chikamu chinenge chichitevera chinofanirwa kunge chisina kurumurwa kubva mune chapera asi chinofanirwa kutoredzera pasiirwa pacho zvichiita hochekoche zvichirudunuka sechivhimbo cheshinda.

Kana wanyora zvikamu zvina tinotarisira kuonawo mhedziso ina dzemuzvikamu. Panozoita zibaba remhedziso rinozokumba nekubatanidza pfungwa huru dziya kudziita chinhu chimwe chete. Mukunyora uku tinotarisira kuti munhu ange ari chitopota chekusarudza zvirungamutauro zvinokodza nekukaringa mutauro kuti goho rigokwirira.

Rangarira mamiriro ezvikamu zvako kuti zvinosiyaniswa nekudarika mutsetse. Ngazvive zvikamu zvine mwero wakaringana kwete kuti chimwe chikamu choita zidhandanda chimwe choita mitsetse miviri chete.

Kana tonyora tinoda kuumba mazwi zvakanaka uye zvinoverengeka tichishandisa Nelson Script. Nelson Script imhando yerunyoro yakavhenekwa ndokuonekwa yakakodzera pakubatanidza mavara nekuumba mazwi zvichiburitsa kunyora kwakanaka kunoverengeka.

Zvirevo zvinonyorwa ngazvive zvizere zvichinomiswa nechindaguma (fullstop) zvatanga nevara guru (capital letter). Zvirevo izvozvo zvinofanirwa kunyorwa nechiShona chakanaka chamandorokwati. ChiShona chamandorokwati hachina musanganiswa wemazwi echiRungu neechiShona, kwete.

Chinongova chiShona chekuti chero nenhamba dzinonyorwa muchiShona kusanganisira huwandu hwemari. Paya panenge pazoshaikwa izwi chairo rechiShona, ndipo panozombopfekerwa iroro rechiRungu asi ropereterwa nechiShona sekuti “umblication” inozonyorwa ichinzi “nhambarakisheni”.

Rondedzero yakatarwa mwero uyo unofanirwa kutevedzerwa uyo wakanangana nemazwi anotarwa.

Panhevedzwa dzinotaurwa zvinonyorwa kuti rondedzero ngaive pakati pemazwi anotambira pamakumi masere kusvika zana nemakumi maviri. Saka munyori anofanirwa kudzidzira kutambira mumwero iwoyo.

Share This:

Sponsored Links