Manyorerwo erondedzero

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NDAKAROHWA nehana zvekuti ropa rangu rakapotsa ratushura tsinga dzaifashaira mushure mekunge ndaona pepa rinoratidza mazuva asara kuti bvunzo dzinyorwe. Tichatanga bvunzo musi wa4 Gumiguru, zvichireva kuti patinopinda mukotoro yechitatu, tichangodzidza kwemavhiki mana chobva chatotanga kutsva. Chakatambisa ropa mbakumba mutsinga dzangu kuziva kuti kotoro ino yega ndiyo yatosara kuti tidzidze sezvo kotoro yapfuura yaiva pfupi-pfupi. Iyo kotoro ino kwatosara mavhiki masere chete ekubata basa.

Saka nekudaro panoda kunyatsoshandwa izvozvi mukanguva kachiripo nekuti ukada kuzomirira mavhiki mana ekupedzisera unobatwa nechakapedza mbudzi. Ndiko kusaka ndati mvura yembambara tiza ichiri kure.

Chikamu chino tinoda kumbodzokera kumusimboti wepepa repiri, unova rondedzero. Rondedzero dzikasabatwa zvakanaka tinowanikwa tichishuwira goho redu isu taifanirwa kuzadza matura nekupfachukira.

Tinoda kuti tigonyatsoburitsa mhando dzerondedzero idzo dzatinogona kudzidzira kuti kana bvunzo rikauya richida mhando ipi zvayo, tinowanikwa takagadzirira.

Rondedzero chinyorwa chakamandana semondo yeuchi. Kumandana kwandinotaura kupfekerana kwepfungwa huru nekunamatidzwa nezvitsigira pfungwa dzine hochekoche dzichitapira sezvinongoita mazinga ehuchi anoerera huasvisvi hunotapira samare .

Kuti husvisvi uhu hugotapira samare, nyuchi dzinenge dzaita bishi rekukomba maruva emhando dzakasiyana ovhenganiswa zvemhando yepamusoro. Ndizvozvo zvakafanira kuitwa nemwana wechikoro wegwaro rechinomwe. Anofanirwa kunokumba zvinatsamutauro zvose zvinotapira kana kusunga mutauro zvose. Chinozodiwa kuziva kurunga zvine mwero nekuti ukazowanza mapuno mumuriwo hazvizodyiki.

Chinyorwa ichi chinofanira kumira chakati mavambo, kotevera mutumbi kuchizopedzisira mhedzisiro. Usati wabata kunyora rondedzero unofanirwa kunzwisisa dingindira riri mumusoro wauri kutatsurana nawo. Ndizvo chete zvinozogona kuti ugopfakanyika uchitsvaga matangiro aungaita rondedzero yako.

Mavambo kana kuti nhanganyaya zvinouya nepakasiyana-siyana zvichienderana nehumhizha kana hutsanzi hwemunyori .

Mavambo anogona kutanga ari mamiriro chaiwo ekunze nekuti musoro wako wenyaya uri kuda kuburitsa dingindira rekusuwa kwavakaita zvinogona kutanga nekunze kuchishopera zvichauya kubudikidza nekutibikira kwakwainge kwakaita.

Nekudaro unogona kutanga rondedzero yakadai, “Kunze kwakafuma kwakapwizhizha kwakati dhuma namakore kachando kaisimuka kubva mabvazuva kaikwidza kamba mumuti.”

Unogona kuita mavambo erondedzero ine dingindira rimwe chete iroro uchishandisa tsumo. Vazhinji vave kukwanisa mavambo etsumo asi dzimwe tsumo dzinongonzi kuche dzisingaenderane nedingindira. Tsumo dzinoda kutsanangurwa zvine humhizha.

Ungada kutanga uchiti, “Zviro kwazvo dai ndakaziva haife yatungamira. Hazvikurukurwi wakati gunguwo. Ndakazongozvisimbaradza nekuti kari pako ikonje rinofunda nechirimo.”

Apa unenge watotekenyedza pfungwa dzemukwenyi uyo anenge odokwaira kunzwa zviri mberi.

Unogona zvakare kunyora mavambo uchishandisa madimikira uchiti, “Chokwadi ndakasoneswa rwainga nechigunwe. Hapana kana akada kundibatsira kubuda umo ndakange ndobvutwa nechakange ndakachera.”

Mukuvamba tinogona zvakare kuvamba nenyaudzosingwi kana fananidzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>