Manyorerwo etsamba

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

TAVA kuda kunopendera zvakanangana nemhando dzerondedzero. Ngatimbotarisei bandiko rerondedzero retsamba.

Vana vemazuva ano vanogona kushamisika kuti tsamba dzava dzeizve nekuti vajaira chizvinozvino kubudikidza nenharembozha uye makombiyuta aveko zvekuti tsamba chaidzo kwavari hadzina kwadzinopinda. Zvino bumbiro redzidzo reShona rinoti tsamba dzinofanirwa kudzidzwa nekunyorwa nekudaro pabvunzo regarega tsamba dzinotouya.

Tsamba dziri paviri panoti tsamba yebasa kozoti yehushamwari. Tsamba dzehushamwari (friendly letters) dzine manyorerwo akasiyana nedzebasa (business letters).

Tsamba dzehushamwari ndidzo dziya dzatinonyorera kuhama neshamwari tichibvunzana upenyu nekuzivisana zvinenge zvichiitika mumhuri. Munogona zvakare kuudzana nezvemabiko achaitwa kana akatoitwa kana kuzivisana nezverufu nekuti muri vehukama kana hushamwari.

Munyori wetsamba yehushamwari haasarudzirwe gwara rekutora mukunyora tsamba yake asi kuti anonyora chero zvauya mupfungwa zvaanoda kuti waari kunyorera agoziva. Tsamba yehushamwari inonyorwa kuchishandiswa kero imwe chete iyo inonyorwa ichitangira pakati pepepa tichienda kurudyi. Inopedzwa kero iyoyo ichidzika zvakaenzerana kubva pakati pepepa kusvika panodarikwa mutsetse kuti panyorwe musi, mwedzi negore ranyorwa tsamba. Pakero hapaiswe zvidonhwe (fullstops) kana tunyora (comma). Pakero hapanyorwe mazwi nepapfupi asi kuti akazara. Tapedza kunyora kero, tinobva tadarika mutsetse toenda kuruboshwe panotangira kunyorerwa tobva tatanga kunyora kumunhu watiri kuda kunyorera tichiratidza kuti tinomuziva.

Kazhinji tinobva tatonyora zita remunhu sekuti, Anodiwa Rudhiya kana kuti kuna Mebho. Zvatichazonyora mumutumbi wetsamba zvava kuenderana nekuti ndezvipi zvatisunda kuti tipinde mukunyora. Hatisarudzi kuti tonyora zvipi mutsamba yehushamwari asi tinozofanira kucherechedza mwero wehurefu hwetsamba uho hunoguma pamazwi zana namakumi maviri.

Tapedza kumhoresana nekusimbisana, tinochipedzisa tsamba yacho nekunyora zita rekutanga rega. Hazvibatsiri kuti tigonyora zita rese rizere nekuti tiri vanhu vanozivana.

Zvino kana tonyora tsamba yebasa, zvinobva zvasiyana kubvira kukero chaiko. Tsamba yebasa ine makero maviri. Kero yekutanga inonyorwa semanyorerwo anoitwa tsamba yehushamwari ichibva pakati pepepa. Kero yechipiri inotangirawo kuruboshwe mushure mekudarika mitsetse ichidzika dzamara yapera. Panozonyorwa kunoenda tsamba pachipiwa ruremekedzo rwunoenderana nechigaro chemunhu iyeye sekuti, Kune mukuru wechikoro kana kuti kune Mutungamiriri weKambani. Tapedza zvekunoenda tsamba tinobva tanyora donzvo ratanyorera tsamba. Donzvo retsamba iri rinonyorwa nepaviri. Kana donzvo ranyorwa nemavara makuru zvinoreva kuti hatichaisa mutaro pasi. Mutaro unoiswa pasi pedonzvo kana tanyora namavara madiki.

Tinobva tachipinda mumutumbi wetsamba umo munonyorwa chete zvakanangana nedonzvo retsamba. Tinozopedzisa tsamba yedu nekunyora zita rizere.

Share This:

Sponsored Links