Mapatya chaive chituko

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa kupindirana kwemusoro webhuku nerungano.

Musoro webhuku wekuti Manyambiri unoenderana nekupihwa mukana wekurarama kunoitwa Paida naPaido. Ishe Njeremavhu nemakurukota avo vanotendera Rufuse kuti achichengeta vanasikana vake mapatya ainzi Paida naPaido kunyangwe zvazvo mutemo wepasi wakanga usingazvitenderi. Zvaizivikanwa ndezvekuti mapatya kana achinge azvarwa, paifanira kuuraiwa mumwe chete wavo aizopedzisira kuzvarwa asi hazvina kufamba nenzira iyoyo munyika yaShe Njeremavhu.

Kuitirana godo kunoita Paida naPaido kunojekesa musoro webhuku. Tinoona kuti kubva Paida naPaido pavanoziva kuti mumwe chete wavo aizoroorwa kuimba youmambo achibva azivikanwa kuti aive Paido, panotanga shanje pakati pemapatya aya sezvo Paida akanga asingafari nazvo zvinoonekwa nekuisira Mambo Njeremavhu naNduramo muchetura muchikafu.

Kutadza kuzivikanwa kwaPaida naPaido nababa vavo kunoenderana nemusoro webhuku. Tinozviona Paido paanobva kumba kwemurume wake, Nduramo achidzokera kumusha kwavo pamusana pekushaiwa mbereko. Anotumira Paida kumurume wake kuti anomuzvarira vana naNduramo iye osara pamusha achiita saPaida. Izvi zvoga baba vavo Rufuse vanotadza kuzviona zvinoratidza kuti zano iri haraigoneka dai vaisave manyambiri.

Kuiswa zvifumuro kunoitwa Paida naPaido kunofambirana nemusoro werungano. Tinonzwa kuti zuva razvarwa mapatya aya, akaiswa zvifumuro kuitira kuti azozivikanwa nyore. Paido aive nechifumuro chaive muhuro uye Paida aive nechifumuro mugumbo. Izvi zvifumuro zvinoratidza kuti vasikana ava vaive manyambiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>