Mapfekerwo eyunifomu

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mapfekerwo eyunifomu

Kwayedza

  • ‘Isu vamwe tinoda mamini’

  • Vakomana vachidonhedza

“KUPFEKAWO here kwakaitwa yunifomu nevana vechikoro uku? Uyo musikana kubva aminura kudaro? Ko iye mukomana wacho, bhurugwa kudonhedzwa kudaro. Kana chiri icho chiRungu, kubva zvakaoma!” vakadaro Mai Susan Chigutsa apo vainyeya nesahwira yavo, Mai Tazvitya Fanesu, mapfekero evamwe vana vanodzidza pachimwe chikoro chiri muguta reHarare.

Madzimai maviri aya aibva kunohodha matomatisi nemuriwo zvekutengesa kumusika weMbare apo vakasangana nevana ava kuMabvuku apo vaienda kuchikoro.

“Ehe, mazuva ano vana vave kupfeka pamadiro uye kune vamwe vasingade kupfeka mayunifomu marefu uye zvakanaka. Hanzi tinoda kufambirana nenguva,” vakadaro Mai Fanesu.

Havasi vana vaviri ava bedzi vave kupfeka mayunifomu nenzira dzinoshoresa asi kuti vakawanda. Vamwe vana vechikoro vanosunga matayi akarembera zvekudarika mumabvi, kana vari vechikomana mabhurugwa anenge akadembera sezvinonzi chiuno chake chava mumakumbo. avawo vasikana marokwe eyuniformu anodzorwa mupendero kuti asare ava mapfupi.

Kwayedza yakaita ongororo ikabvunza veruzhinji pamusoro pemapfekerwo ari kuitwa mayunifomu nevamwe vadzidzi mazuva ano. Yakanzwa zvakawanda.

Mai Tanaka Munatsi (36) vekuDomboshava vanoti mayunifomu akakosha zvikuru nekuti anoenzanisa vana sezvo vasingazoonekwe musiyano weanobva kumhuri dzinowana nedzinoshaya.

“Kudai vadzidzi vaibvumirwa kuenda kuzvikoro vakapfeka mbatya dzavo muzvikoro maiita dambudziko rekusekwa kwevamwe vanobva kumhuri dzinoshaya uye hakwaidzidzwa nekuti vana vanogona kuita makwikwi ekupfeka bedzi vachikanganwa kukosha kwedzidzo.

“Asika, rimwe dambudziko rave revana vanofarira kupfeka mayunifomu mamini,” vanodaro.

Mai Juliet Mlambo vekuMufakose, muHarare vanoti mayunifomu anoita kuti vadzidzi vasaomerwe mukusarudza zvipfeko zuva nezuva.

“Yunifomu dzakakosha nekuti dzinochengetedza hunhu hwevana, anokasika kuzivikanwa kuti mwana wekuchikoro chipi,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nevadzidzi vekuOxford Brookes University inoratidza kuti kupfeka mayunifomu kunopa vadzidzi chiremerera pamwe nekuderedza nyaya dzekumbunyikidzwa kwavo, vangave nevanhurume kana vanhukadzi, munyaya dzerudo.

Mai Primrose Masawi (38) vekuMufakose vanoti mayunifomu evanasikana vechikoro anofanira kusvika kumabvi kana kudarika kuitira kuti asaratidzire dzimwe nhengo dzemuviri dzakavandika. “Kunyangwe vanakomana vanofanira kupfeka matirauzi anogara muchiuno, asingabate nekuti zvinokanganisawo vanhukadzi kana vakasapfeka zvakanaka,” vanodaro.

Melba Manguwo (27) wekuWaterfalls anoti anotsigira kupfekwa kwemayunifomu mapfupi.

“Munhu haafaniri kumanikidzwa kupfeka yunifomu refu nekuti mini iyoyo yakanaka kana mwana achigutsikana nayo uye yakamufita. Zvimwe zvikoro hazvitodi maziyunifomu akareba nekuti zvinenge zviri zvemhando yepamusoro,” anodaro ManguwAo.

Cathrine Mutsanyi (22) wekuBudiriro 1 anoti mayunifomu anofanira kunge achisvika mumabvi uye vakomana vachiita kuti matirauzi agare muchiuno nekuti zvekurembedza mabhurukwa hazvina kunaka.

“Vana kana vachienda kuchikoro vanenge vachinodzidza kwete kuita zvemafaro uye varairidzi vakangofanana nevabereki nekudaro havafanire kupfeka mayunifomu anobvisa hunhu. Kurembedza matirauzi zvipfeko zvemukati zvichisara panze zvinhu zvinosemesa nekunyadzisa.

“Hatidi vana vanoenda kunoisa varairidzi pamiyedzo nekuti vanhuwo. Mangwana ndipo pamunozonzwa kuti mwana apfimbiwa nemurairidzi kana kubatwa chibharo,” anodaro.

Mumwe mudzidzi wepaGenesis College, iri muHarare, Tinotenda Mwerechena (17), anoti haatofarire kupfeka yunifomu zvachose. “Ndinototi kudai tabvumirwa kupfeka mbatya dzatinoda tichienda kuchikoro pane kupfeka mayunifomu nekuti anosvota. Tinogara tichingodzokorora kupfeka mayunifomu nguva nenguva nekuti mashoma pane mbatya dzekumba,” anodaro.

Mashoko ake akatsinhirwa naTawana Mwerechena (16) wekuConway College uyo anoti yunifomu handiyo inopa hunhu hwakanaka kumwana wechikoro. “Mayunifomu idambudziko guru, tinoda kupfeka mbatya dzedu nekuti dzakanaka. Yunifomu handi kudzidza uye chero munhu asina hunhu hauchinjwe nekuda kwekuti apfeka yunifomu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>