Mapurisa vari kuvhima mhondi

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Mapurisa vari kuvhima mhondi Insp Muzondo

Kwayedza

Insp Muzondo

Insp Muzondo

MAPURISA ekuHwedza, kuMashonaland East, vari kuferefeta nyaya yemurume anofungidzirwa kuti akapondwa svondo rakapera pamberi apo aibva kudoro nemumwe wake husiku.

Onias Gusha Goto (33), wemubhuku raZisani, kwaSvosve, anofungirwa kuti akapondwa achibva kubhawa riri kuDendenyore apo aiva neshamwari yake, Sternford Mutarisi (29).

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vakatsinhira nyaya iyi.

Vanoti mambakwedza emusi wa28 Chikunguru, vaviri ava vanonzi vakanga vachangobva paDendenyore apo vakasangana nemumwe murume munzira vave kuenda kumisha yavo uyo akazotanga kuvarwisa.

“Tine nyaya yakadaro, yemurume anofungirwa kuti akapondwa kuHwedza. Nyaya iyi iri kuferefetwa nemapurisa,” vakadaro Insp Muzondo.

Vanoti paifamba vaviri ava vachienda kumusha, zvinonzi pakangoerekana pabuda mumwe murume musango aiva netsvimbo ndokutanga kuvarwisa apo Mutarisi akazokwanisa kutiza achisiya Onias achirohwa nemunhu asati azivikanwa uyu.

Mutarisi anonzi paakatiza akanohwanda mune rimwe bindu raive pedyo umo akarara kusvikira kunze kwaedza.

Insp Muzondo vanoti nenguva dza5 mangwanani, Mutarisi akazodzokera panzvimbo yavainge varoverwa apo akawana nyakuzofa aripo nenharembozha dzake mbiri.

Akazotaurira veruzhinji zvaive zvaitika zvikazoita kuti Onias aendeswe kuchipatara cheMt St Mary’s, kwakare kuWedza, uko akasvikofira.

Kwayedza yakasvika parufu rwaOnias apo pakabuda mashoko akawanda-wanda pamusoro pemafambiro emurume uyu kusvikira musi waazofa.

Mukoma wemushakabvu, VaFrances Gusha (41), anoti musi waakazonorohwa achizofa, ndiye akaenda naye kunzvimbo yemabhizimisi uko akasara achinwa doro naMutarisi nemumwewo anonzi Josphat.

“Takabva pamba na10 mangwanani nemusi weMuvhuro tichienda kuDendenyore apo Onias aitengesa bhutsu dzake mapeya 7, imwe chete ichiita $25. Tatengerwa imwe chete ndokupihwa $20, Onias akasvikotanga kunwa doro ini ndichinwa zvinwiwa zvinotonhorera kusvikira pakazouya Sternford Mutarisi naJosphat, avo vainwawo doro. Ndakazovasiya ndikakwira mota kudzokera kumba,” vakadaro VaGusha.

Vanoti vakapihwa $2 yekukwirisa kombi naOnias.

“Ndakazoridzirwa nhare natete rechimangwana racho ndichinzwa kuti Onias apondwa,” vakadaro.

VaJohaness Goto (55), vanove mukoma wemushakabvu zvekare, vanoti nyaya iyi inofanirwa kuferefetwa zvizere uye mashoko avo akatsinhirwa naVaClever Chimhanzi (76), muzukuru wemushakabvu.

Farai Goto (32) anoti akashamiswa kunzwa kuti mukoma wake apondwa.

Mudzimai waOnias, Brenda Mukavhi (26), anotiwo chaanoziva bedzi mabviro akaita murume wake pamba.

Sahwira wemushakabvu, Benard Shayamano (35) anoti mumwe wake akafa apo aiva nemari yakawanda iyo akanga anopihwa kuHarare nemukoma wake.

“Onias akanga abva kuHarare aine bhutsu idzo aitengesa, aivawo ne$40 iyo akanga anotora kuHarare neimwe yakawanda. Ini aitenga mombe kwandiri, akatondipa $160 yechibatiso kukasara $140 iyo akanga avimbisa kundipa mushure mesvondo,” akadaro Shayamano.

“Ndinoti mapurisa ngavaite basa ravo nemazvo nhubu dzakauraya murume uyu dzisungwe.”

Pakashanya Kwayedza kunzvimbo iyi, mutumbi waOnias wakange uchiri kuchipatara wakamirira kuongororwa.

Insp Muzondo vanoti Mutarisi ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi uye vanodawo kunzwa divi raJosphat.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>