Mari yehuku yakaunza mudzimai

02 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
Mari yehuku yakaunza mudzimai

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wechidiki anogara mumusha weBluffhill, muguta reHarare anoti asimudzirwa zvakanyanya mumararamiro ake zvichibva mukupfuya huku uye haana kumbobvira ashanda basa repakambani.

Kudzanai Mungwariri, uyo ari muchirongwa chekupfuya huku dzechivanhu achishanda ari pasi pesangano reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA), anoti upenyu hwake hwakasanduka nekuda kwebhindauko iri.

Murume uyu achangobva kuroora mudzimai nemari yaakaunganidza ichibva mukupfuya huku uye anoti remangwana rake rakajeka nekuda kwebasa iri.

“Ndisati ndatanga zvangu kutsanangura matangiro andakaita kupfuya huku, regai ndibude pachena kuti ndakaroora mudzimai wangu nemari yehuku tikabatsirwa nemwana watakakwanisa kutengera zvekupfeka nezvimwe zvose kubva mukupfuya huku. Zvose zvatinodya pano zvinobva muhuku, handizive chinhu chinonzi nhamo nemhuri yangu pano,” anodaro Mungwariri.

Anoti akatanga kupfuya huku mugore ra2019 pamba pevabereki vake avo vanomutsigira zvikuru muchirongwa ichi.
“Ndakatanga ndichingoita zvekuchecheny’esa mazai chete sezvo ndiine michina miviri inochecheny’a (incubators) iyo inopinda mazai 900 pamwedzi. Nekufamba kwenguva, ndakazotanga kupfuya huku apo ndakavamba nehuku 100 mushure mekuvaka matanga.

“Zvose zvakabva mumari yandaiwana pakuchecheny’esa mazai apo ndinobhadharisa US$5 pakireti.”
VaMungwariri vane huku 600 dzakura nehukwana 350 dzasvika masvondo mashanu.

“Huku dzangu huru 600 isheshe nemachongwe mukati madzo, mazai adzinokandira ndiri kuchecheny’esa towana nhiyo idzo ndiri kuchengeta zvakare. Ndinoda kuti huku idzi dziwande kusvika zviuru zviviri kana zvitatu panguva imwe chete dzinokandira,” anodaro Mungwariri.

Murimi uyu anoti nekuda kwemichina yekuchecheny’a mazai yavanoshandisa, havafanirwe kushaya magetsi nekudaro vanoshandisa gwenya kana magetsi aenda.

“Hukwana tinoendesa kusangano reZimbabwe Free Range Poultry Association uye dzimwe tichitengeserawo vamwe varimi. Mhando dzehuku dzedu dzechivanhu dzatinopfuya dzinosanganisira Rhodes Island, Boschvelds, Black Astralorp, Portchefstroom Koekoek, Kuroiler nedzimwewo dzisinganetse kuchengeta dzinopihwa kunyangwe kudya kwatasiya mudzimba,” anodaro Mungwariri.

Mai Beauty Jiji, avo vanova munyori mukuru musangano reZFRPA Free Range Poultry Association vanoti chirongwa chekuwanisa varimi hukwana chatekeshera munyika yose.

“Takatarisira kuwanisa mhuri dzinokwana 3 miriyoni hukwana kureva kuti imba yoga-yoga inofanirwa kuwana hukwana gumi uye zvichaitwa muzvikamu kwemakore mashanu anotevera. Tinodada naKudzanai Mungwariri nechido chake mukupfuya huku sezvo asimukira. Haana kwaakamboshanda, izvozvi akaroora nemari yehuku akariritira pamuviri pemudzimai wake nemari yehuku, mwana akaberekwa achibatsirwa nehuku dzowo dzavanodya pamadiro. Ndaitoseka naye ndichimuti mwana wako waifanirwa kumutumidza zita rekuti huku, tinoda vechidiki vakadai vazhinji,” vanodaro Mai Jiji.

Vanoti chirongwa chemutungamiri wenyika chekuwaniswa kweruzhinji huku cheThe Presidential Rural Poultry Scheme vari kuchitsigira zvikuru.

VaTerence Paradza, avo vanova mushandi anodyidzana neruzhinji musangano reZFRPA vanoti vari kufamba kumatunhu ose enyika nemumaguta vachidzidzisa veruzhinji kunaka kwakaita kupfuya huku dzechivanhu.
“Hatina nguva yekuzorora kusvikira vanhu vose vaziva kukosha kwakaita huku mukurarama kwavo, dzasimudza upfumi hwenyika nenduramo yevanhu,” vanodaro VaParadza.

Vanoti huku idzi dzinodya chikafu chinogadzirwa nevanhu mudzimba.
“Makireshi anodiwa nehuku idzi varimi vari kugadzira voga saka hazviburitse mari,” vanodaro VaParadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>