‘Maroja anoda kundiuraya’

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
MUKADZI ane imba yake akaendesa murume nemudzimai wake avo vaimboroja pamba pake kudare achiti vanogara vachimutyisidzira nerufu pamwe nekumukandira mishonga pamba.

Bridget Mukwena akamhan’arira Pride naEdina Karima kuHarare Civil Court achiti vamushaisa rugare. Mukwena akati vaviri ava vanogara vachimurongera rufu, kumutuka pazere vanhu nekutuma hama dzavo kuti dzimurove.

Akaudza dare iri kuti: “Chekutanga ndinoda kuti vauye vazotora midziyo yavo yavakasiya pamba nekuti pamwe ndizvo zviri kuita kuti vagare vachindinetsa. Murume anonditumira hama dzake kuti dzindirove achindituka pazere vanhu. Anoti anoda kundiuraya, handizive kuti kudzinga munhu pamba pangu ringaita dambudziko here.

“Mukadzi wacho akauya pamba pangu akandikandira zvinhu zvandisina kunzwisisa kuti chii nekudaro ndakafunga kuti mishonga yekuda kuti ndiende kwamupfiganebwe.”

Pride naEdina vakapokana naMukwena vachiti anoda kupedza nguva nenyaya yakagadziriswa nematare kare.

“Amai ava vanonyepa, pavanoti vakarohwa nehama dzangu ndaiva ndisipo. Zviri kutondishamisa kuti zviri kubva kupi. Zvekuti ndiri kuvatuka ini handisati zvangu muupenyu hwangu hwose. Ndiri kutoshaya kuti vanodirei kunditambudza ini nemhuri yangu iri panhamo izvozvi.

“Zvemotokari zvavari kutaura kuti ndiibvise pamba pavo ini handizvikwanise nekuti pane mutongo wakatotemwa nedare kuti tisasvika pamba pavo,” akadaro Pride.

Edina akarambawo mashoko ekuti akakanda mishonga pamba paMukwena.

“Zvavari kuti zvinhu zvandakakanda pamba pavo kuda mapepa andaida kuvapa akanga abva kudare rinoona nezvedzimba zvinova zvandisina kuita. Mai ava takagara navo kubva muna 2013 asi ndanga ndisingataure navo. Zviri kutondishamisa kuti vanoti ndinovashungurudza ini ndisingataure navo.

“Mapepa pandakaenda nawo vakaramba kusaina ndakasiyana navo. Kubva ipapo handina zvakare kuzoenda kumba kwavo nekuti ndiri munhu anotevedzera mutemo,” akadaro Edina.

Mutongi Barbara Mateko akati nyaya iyi idzokezve mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>