Marwadzo azara muvanhu obvepi?

13 Mar, 2015 - 13:03 0 Views

Kwayedza

ENDA pakereke, parufu, pamusangano kana papi zvapo pakaungana vanhu, chinhu chawave kunzwa zvakanyanya mazuva ano inyaya yamarwadzo, kunyanya makumbo. Unoona vanhu, kunyanya madzimai vachinetseka kusimuka. Vamwe vanotoda mubatsiri kuti vasimuke.

Havasi vanhu vachembera kwete. Mazera achiri kunzwa auonoona achitadza kusimuka kudaro. Dai kuri kuchembera kunoita kuti vanhu vatadze kusimuka, unotanga kuzvibvunza kuti, ko makore ose aya akapfuura, pamusana pei chembere neharahwa dzakange dzisingarohwi nezvirwere zvemakumbo sezviri kuita mazera echidiki anhasi? Mubvunzo waunogaronzwawo pakati pavanhu ndewokuti, “Nhai veduwe-e, ko zvirwere zvamakumbo izvi zvakabva kupiko? Unonzwa pasi pamakumbo pachipisa kunge rufuse kunyange kuchitonhora. Makumbo acho haazvimbi, asi unongonzwa kurwadza. Kuenda kukirikini vanoti hapana chavari kuona vongokupa zvimapiritsi!”Ava ndevamakumbo ava. Kwavewo nevamwe vanofamba nembuva yacho, kana kuti vachisvika pavanhu vanobva vangokuudzai kuti havadye nokunwa zvakati, nezvakati, asi vanodya nokunwa zvokuti nezvokuti nenguva dzakati.

Dzimwe nguva munongozonzwa kuti hama yenyu iri kudimburwa gumbo kana ruwoko nokuti ronda raakaita raramba kupora pamusana pechirwere cheshuga (diabetes) chaainacho.

Hama neshamwari dziri kurarama nourema pamusana paizvozvi. Vamwe vavo vanofa.

Zvirwere izvozvi zveshuga (diabetes), high blood pressure, moyo negomarara zviri kupedza vanhu. Vanhu vari kurwara vachifamba, vanhu pavanozongonzwa kuti hama yaenda vanotambudzika. Pavanoti haana kumborwara kunenge kuri kusaziva nokuti munhu anga achirwara achifamba.

Huipi hwezvirwere izvi hwatopinda mukondombera nezvirwere zvimwe zvakaita seTB nemalaria zvinogona kudzivirirwa. Zvirwerewo zvakare zvashambadzwa zvakanyanya munhepfenyuro nemumapepanhau. Zvimwe zvitori nemasangano akamirira kutsvaga mari nemishonga yokuzvirapa.

Asi izvozvi zviri kuchemwa navanhu mazuva ano zvinosanganisira rheumatoid arthritis, diabetes, moyo, shuga negomarara zvave kuda kuti nyika yose imuke ione kuti zvopedzwa sei.

Muzvipatara munoenda vanhu kunotsvaga rubatsiro, vanowana zvinovabatsira kwenguva diki diki. Vazhinji havana mari yacho yokunorapwa.

Budiriro yenyika iri muutano hwavanhu. Vanhu vatano vanogona kuzvishandira nokushandira nyika. Zvino kana vanhu vakagara vari mumitsetse yezvipatara upfumi vanozohurima riini?

Muminda, migodhi, zvikoro, mahofisi muchashandwa nani zvinozadza mukombe?

Kana vanhu vakasavawo vatano, zvoreva kuti vanenge vave kushandirwa kana kupihwa rubatsiro nehama,

Hurumende, makereke namasangano anopa rubatsiro. Kusvika riini?

Inyaya yatinofanirwa kuzeya tose tose nokuti dambudziko iri rinenge risipo asi riripo. Rinoda kutsvagirwa mazano.

Asi tiri kutsvaga kuti toita sei, zvimwe zvandakaona ndezvokuti kunyange tave nedzidzo yapamusoro, dambudziko redu nderokusaziva miviri yedu.

Hatiziviwo kuti zvinhu zvatinodya kuti zvinopa utano here kana kuti zvimwe zvacho ndizvo zviri  kutiuraya.

Patakasiya tsika dzamadzitateguru tichitevera tsika dzemhiri, takabva tarambawo kudya kwedu kunopa utano.

Vanhu vanozvipa mbiri yechitsiga vachinodya zviya zvinonzi “fast foods”, zvatinonzwa zvakare kuti zvinonzi ”junk food”. Kana chinhu chiri “junk” zvinoreva kuti ndechokumarara. Asi vamwe vedu vane mari, zuva nezuva tinoonekwa tichidya “junk food” iyoyi.

Panze pezvirwere zvandataura, unoonawo vanhu miviri ichongofashukira, vamwe vachitotadza kufamba chaiko.

Asi miviri iyoyi haisi yokuratidza kuti munhu agere zvakanaka, asi miviri inenge yave kupupura kuti handina utano.

Vamwe vavo ndivo vaunozonzwa kuti vabatwa zvirwere zvemoyo kana high blood pressure.

Tiri pane zvokudya zvakare, tiri kuudzwa kuti zvimwe zvatiri kudya zviri kugadzirwa nemishonga kana maiitiro anonzi ma”Genetically Modified Organisms” (GMOs) – zvirimwa kana zvipfuyo.

MaGMO iwaya ndiwo ave kunzi zvakare ndiwo varoyi vokupedzisira zvokuti zuva nezuva vanhu havazivi kuti vari kudya zvinhu zvakagadzirwa sei, kupi uyewo kuti zvine utano here kana kuti kwete.

Kufamba kwako, kufamba kweZimbabwe. Wagara pasi, Zimbabwe yagara mudhishi.

Ngatiitei muonera pamwe usavi hwapanhamo matambudziko aya atame pakati pedu.

Share This:

Sponsored Links