Matambudziko anoinga Stanley

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
MATAMBUDZIKO kana kuti zvimhingamupinyi zvinosangana naStanley mukutsvaga musikana wake Beaula. 

Dambudziko raanotanga kusangana naro nderekuramba kuita kwenhare yaBeaula kuti anzwe kwaainge ari sezvo yakanga asingachadairwe ndokuzogumisira yatodzima zvachose.

Dambudziko rekutemwa nebhodhoro remafuta nemudzimai waVheremu kuHighlands ndokuwira pasi achinzwa marwadzo akakomba. Pakarepo mamwe mabhodhoro anotanga kutevera kusvika ave kubuda ropa zvakanyanyisa.

Dambudziko rekushaya rubatsiro kubva kumapurisa aaifungidzira kuti aizomubatsira kuferefeta nyaya yekutsakatika kwaBeaula. Paanoona zvaramba anonzwa musoro wake kurwadza.

Kunyeperwa kuti aive mutikitivha zvinove zvaizomuvhiringidza kuwana humboo nezivo yekwaive nevanhu vakanga vapamba Beaula. Tinonzwa Monya achienda paive naEve kuHoliday Inn achinomuudza kuti aitaura nemutikitivha.

Dambudziko rerufu rwaSamson uyo anofa mushure mekunge apondwa naRoby nechikwata chake zvinove zvinotadzisa Stanley kuwana humwe humboo hwaaida kuudzwa naSamson. Rufu rwaSamson rwunoitazve kuti pashaikwe munhu aizomira pamberi pedare achitsanangura mafambiro enyaya yekupinda kwavanaSolo mumba make.

Dambudziko rekupondwa kwaEve rinosiya Stanley asina ruzivo rwuzere pane zvese zvaaida kuziva maererano nekutapwa pamwe chete nenzvimbo yakanga yaendeswa Beaula.

Kupomerwa mhosva yekuponda Eve Dzvairo pamwe nekumubata chibharo. Tinonzwa mapurisa achisunga Stanley paanomuwana ari mumba maEve achimuti ainge auraya mufi ndokutakurwa achiendeswa kuCentral Police Station.

Dambudziko rekupererwa nemari yekuti ape Eve kuti audzwe mamiriro enyaya yekupambwa kwaBeaula. Anombodzokera kumba kwake kuti anobatanidza mari yese yaakanga asara nayo ndokuzodzokera kuHubert Court achisvikowana Eve atopondwa.

Dambudziko rekusungwa rinowirazve Stanley. Tinozviona paanenge ari muBlock D munzvimbo yaive nevasungwa vakawandisa paHarare Remand Prison. Pakarepo tinonzwa zita rake richishevedzwa nemugadhijeri kuti aonekwe naBatsirai naMoira vainge vamushanyira ari kuRemand ikoko.

Dambudziko rekuramba kupihwa humbowo huzere maererano nenyaya yekupondwa kwagadhi wepaSearing Heights, anove Samson; nemusikana akanga aona zvichiitika, Ropafadzo aigara pakare paSearing. Tinoona Ropa achiramba kupa Stanley humboo hwaaida achibva aenda kunozvivharira mubhedhuru asingadi kupindura mibvunzo yaaibvunzwa.

Dambudziko rekumaranzurwa muviri wese. Tinoona padumbu nekumusana kwake kwakatsvuka ropa. Izvi zvaibvawo pakuti matombo aaitsika aitsvedza achiwira pasi achibva asiya amukuvadza panguva yaaive kuChriston Bank achivavarira kupinda mumba makanga makavigwa Beaula.

Dambudziko rekufa kwaBhasopo asina kutaura zvizere maererano nekutapwa kwaBeaula pamwe chete nenzvimbo yaakanga akachengeterwa.

Dambudziko rekurohwa naMonya pamwe chete nekutemwa netebhuru. Tinonzwa achiti paakakaviwa mumusoro akaona nyeredzi ari kuChriston Bank kwaakanga aenda kunosunungura Beaula. Pakarepo Monya anosimudza katebhuru ndokukandira Stanley kachibva kasvikoputsika.

Dambudziko rekuvherenyurwa ganda rekumeso nepfuti naVheremu kuChriston Bank achida kusunungura musikana wake, Beaula.

Dambudziko rekutsva nemoto ari kuChriston Bank mushure mekunge ave kutsvaga pakanga paiswa Beaula. Anotaura ega achiti, “Ndaibondera pamidziyo nedzimwe nguva ndichiwira pamwoto wakanga watangisa zvino kupfuta pamubhedha.’’  p.177.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>