Maticha 10 000 opinzwa mabasa

27 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Maticha 10 000 opinzwa mabasa Dr Evelyn Ndlovu

Kwayedza

Nqobile Tshili

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti rine hurongwa hwekuti varairidzi 10 000 vapinzwe mabasa gore rinouya kuitira kuwedzera huwandu hwevadzidzisi 50 000 vanodiwa muzvikoro.

Hurumende gore rino yakapinza varairidzi 5 000 mabasa asi kuchine kushomeka kwakanyanya zvichitevera kuvepo kwemakirasi ane vadzidzi vashoma senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vachitura gwaro redzidzo pamusangano wekuzeya bhajeti regore ra2022, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Evelyn Ndlovu, vanoti panoda zvekushandisa zvakawanda maringe nenyaya yekupinzwa mabasa kwevarairidzi izvo zvinofanirwa kunge zviri mubhajeti renyika ra2023.

Vanoti vadzidzisi vakawanda vanobatsira kuti vadzidzi vawane mhando yedzidzo yepamusoro nekuti vanenge vava kufunda vari vashoma mukirasi.

“Izvi zvinoda kutariswa nechimbi-chimbi sezvo zvichikanganisa mhando yedzidzo, zvikuru kuvana vemagwaro ari pasi. Pari zvino zvinhu hazvisati zvamira zvakanaka nekuti vana vachakawandisa mumakirasi.

“Mubhajeti redzidzo regore ra2022, vadzidzisi 5 000 vakapinzwa mabasa kana zvichienzaniswa nemukaha we50 000. Kuchizoti mugore ra2023, pane hurongwa hwekuti vadzidzisi 10 000 vapinzwe mabasa sechikumbiro chakasvitswa kuPublic Service Commission nebazi rinoona nezvemari,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanokurudzirawo kuti mari inopihwa kubazi rezvedzidzo iendeswe nenguva.

Vanoti bazi ravo rakapihwa $1,4 bhiriyoni mubhajeti renyika ra2022 asi kusvika munaNyamavhuvhu, $650 miriyoni chete ndiyo yainge yaunzwa.

Dr Ndlovu vanoti kunonoka kuunzwa kwemari iyi kunokanganisa kufamba zvakanaka kwezvikoro izvowo zvinodzosera kumashure budiriro yechikamu chedzidzo.

“Zvichienderana nebumbiro remutemo wenyika, Presidential Declaration nehurongwa hweState Funded Education Strategy, panofanirwa kuve nerutsigiro rwebhajeti kumari yehomwe yagara ichipihwa kubva kare uye kuburikidza nemitero,” vanodaro.

Vanoti zvisungo zvepasi rose, izvo zvakasainwa nenyika ino zvakadai seDakar Recommendation, zvinokurudzira kuti pamari yebhajeti renyika, chikamu che20 percent chipihwe kune zvedzidzo.

Vanoti zvikoro zvakawanda zvinoda kubatsirwa nemagetsi uye kuti vadzidzi vakwanise kufunda kuburikidza nedandemutande.

 

Share This:

Sponsored Links