Mazita ezvinhu nemazera azvo

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ZORORO reEaster rakatipa mukana wekumbozorora tichirangarira kutambudzwa kwakaitwa mwanakomana waMwari, Jesu Kirisitu, achiroverwa pamuchinjikwa nekuzomuka kwake mushure memazuva matatu. Ndiyo nguva zvakare yakavharwa kotoro yedu yekutanga kwegore rino zvichireva izvo kuti tangosarirwa nekotoro imwe chete izere kuti tigonyora bvunzo dzedu muna Gumiguru.

Vanogona kuhwerengedza svomhu vanoona kuti hapana nguva yakareba ichiripo asi kutoti tava kutokundira tichienda kuti bvunzo dzigobuda zvakanaka.

Gore rinoita serakareba kana richatanga munaNdira asi vamwe vedu tinozoyeuka kana nguva yatopera. Gore rapera zvaitarisirwa kuti vana vachakundikana mubvunzo reAgriculture asi vanhu vakazokudubuka kuShona nekuda kwekusapa chiShona nguva yakakwana.

Chikamu chino tinoda kuone kuti mazita atinopa zvinhu kubudikidza nezera razvo ndeapi.

Tinoda kutanga nekutarisa kwatiri isu vanhu. Mukaha uripo pakuti tine vanhurume nevanhukadzi, uchiburitsa zvakare zvakasiyana kumazita ari kumazera acho.

Mwanakomana achingobva mukurumurwa anosamhuka kusvika kuita chijaya kana chigondora chinenge chosiiwa chichiita zvekuzvifungira chega. Nguva yehujaya kana hugondora inomupa mukana wekuona kuti nyika nehupenyu zvinoenda kupi. Vakuru vanenge vachingokarira pano neapo vachingodzoreredza kuri kupesva mwanakomana kuti agokwanisa kupinda muhusaimba.

Majaya aya anenge orara mumakota umo vanotaurirana nyaya dzehujaya vachionesana nzira dzavangafamba nadzo kuti vagopinda muhusaimba. Husaimba hunouya mushure mekugona kupfimba mhandara kuti mugopinda muwanano. Kana munhu ava saimba zvoreva kuti abuda mugota, aroora ava nemukadzi wake nemba yake. Anotarisirwa zvakare kuti agovandudza rudzi

nekuita vana. Kunzi saimba zvinoreva kuti ndiwe watove musoro wemba.

Kana hujaya hukadarika munhu asina kuroora zvoreva kuti munhu iyeye ava kutoshandurwa zita rekudanwa naro nekuti apfuura zera rehujaya. Anenge odaidzwa kunzi tsvimborume.

Nemhaka yekuti nguva haimire, kukura kunovapo zvekuti saimba vaya netsvimborume iya vanotanga kuchena imvi mumusoro uye vanenge vava nezvizukuru kana vari vanasaimba. Vanotanga kuchembera zvekuti vanonzi vakwegura.

Kana Mwari achinge avachengeta vanhurume vanogumisira vonzi hohonwa dzeharahwa.

Vanhukadziwo vane muzera wavo uyo unotangirawo mukuzvarwa nekuitawo chindumure chinoti samhukei kusvika pakuita bunha.

Bunha mwanasikana anenge oda kubuda mazamu kana kuputudza. Anenge achiri mwana mudiki asati osiiwa kuti azvifungirewo zveupenyu hwake oga asi kuti anenge achitotanga kuonawo mhindupindu dzehepenyu.

Akabva muhubunha anopinda muhumhandara apo anenge orara munhanga nevezera rake umo vanenge vokurukurirana maererano nehumhandara hwavo. Vanenge votarisirwawo kupfimbwa iri gadziriro yokuzopinda muwanano.

Kana vapinda muwanano humhandara hwapera, vava mudzimai kana mai vemba.  Vavakutarisirwa kuti vavandudzewo mhuri nekuitawo vana vavanozochengetawo.

Zvino kana musikana apfuura pahumhandara asina kuroorwa anozodaidzwa kuti tsikombi kana kuti chipingemusha. Vanozoramba vachikura dzamara vachembera vanhukadzi ivava votoitawo imvi kusvikira vatovawo hohonwa dzechembere kana vachengetwa naNyadenga.

Mazera ose aya haangowanikwe kuvanhu chete asi kuti nezvipuka zvose zvakasikwa naNyadenga. Zvikamu zvinotevera tichatarisa mazera ezvipuka kuitira kuti kana tobvunzwa pabvunzo hatishatishaiwe mhinduro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>