Mazita ezvinhu

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

TINOSHUVIRA chose kuti hwaro hwedu hwechiShona hukure kana kushanduka huchitora danho repamusoro. Danho iri tinogona kurisvika chete kana toziva zvizhinji zvakakomberedza chiShona chedu. Ndiko kusaka ndati tirodze njere muchikamu chino.

Tinoda kutarisa mazita atinopa zvinhu zvakasiyana-siyana nekuti zvakadai zvinouya chose mubvunzo dzedu.

Tinoti musumburumbu kumurwi wamabhanana kana maruva akaiswa pamwe. Kumaruva kune vanobata hove dzakawanda zvokuti kana vodzitakura vanodziisa pamudungiro mumwe chete. Hove idzodzo dzinonzi musumburumbu zvakare.

Pakukohwa mapfunde tinoaisa muzitswanda asati apurwa toadaidza kuti shoshe kana mutsitsi wemapfunde. Kana takadira mapfunde aya pamwe chete asi asati apurwa tinenge tava kuti mutanga wamapfunde.

Tinogona kuita murwi wamatanda atinenge tichinyatsoronga zvakanaka panzvimbo imwe. Tinoadaidza kuti chongo chamatanda. Kana ari masanzu akaoma ari pamwepo anonzi dywatywani ramasanzu.

Mukutongwa kwamatunhu kunowanikwa madzishe ayo anoronga kuzosiya zvigaro. Zvino machinda anogona kuzokwikwidzana kuda kugara hushe ihwohwo. Huzhinji hwamachinda anokwikwidza kugara hushe hunonzi gwamba rohushe.

Gute inzvimbo inowanikwa mikute yakawanda uko vafudzi vemombe vanoswerodya hute. Kana iri mimwewo miti yakawanda iri panzvimbo imwe inonzi chichesi kana kuti bumburudzi remiti. Kana iri miti yemazhanje iri pamwe chete inonzi jiri.

Varimi vanosunga mombe dzekudhonzesa gejo. Vamwe vanosunga mbiri, vazhinji ina kouya vamwe vanosunga nhanhatu.

Mombe idzodzo dzakasungwa pamwe chete dzichiita basa dzinonzi chipani.

Muriwo ukatanhwa wakati wandei unonzi tsama remuriwo. Mupunga usina kupurwa uri muzitswanda unonzi mutsitsi wemupunga. Huzhinji hwenyuchi dziri pamwe chete padzinodirira huchi hwadzo dzinonzi mukoko wenyuchi. Kana dziri nyuchi dziri kubhururuka dziri pamwe chete dzinonzi mukuze. Kana vari vana venyuchi vari pavanoberekerwa vanonzi mazana enyuchi.

Kana nzungu dzatanhaurwa dzikaiswa mukamuri imwe chete dzinonzi dura renzungu. Kana dziri nzungu dzakaiswa pamwe dzisina kumenywa dzinonzi chimhutwa chenzungu.

Huswa hwekupfiririsa dzimba hunochekwa hwosungwa zvimurwi zvimurwi.

Chimhurwi ichocho chakasungwa chinonzi chiswa kana chimwanda. Kana huri huswa hwakamera panzvimbo imwe chete hunonzi zhunga rwouswa. Ihwo huswa hwekupfiririsa imba hunogona kupfiririswa pamwe chete hwozoturikwa padenga remba. Huswa ihwohwo hwakarukwa hunonzi kenya kana kuti ngenya rouswa.

Rungwananai patinoda kukuwidza kana kuvesa moto tinotanga tabisa dota razuro tichinorasa. Kazhinji dota iri tinorirasira panzvimbo imwe chete. Dota iroro rakarasirwa panzvimbo imwe chete rinonzi zambarota kana kuti humbarota.

Kana dziri svumbunuro kana kuti kiyi dziri pamwe chete dzakawanda tinoti dzakatsaka rekiyi.

Kana vari vanhu vakawanda vari kushanda pamwe chete vanonzi bokoshindi. Zvino kana vari vanhu vakatifarara kwese kwese vakawanda vanonzi dekeshera. Kana vari vakawanda vari kutamba kana kumhanya vanonzi chikiti kana kuti chitima.

Share This:

Sponsored Links