Mazita uye nezvaanoreva

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
BVUNZO zvarakadai kunyorwa, hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofanirwa kuramba tichiverenga kuti tiwedzere ruzivo.

Kune zvakawanda zvatinofanirwa kudzidza kubva mukurarama kwaiita vakuru vedu makarekare. Matunhu aiva namatongerwo awo zvokuti madzishe kana madzimambo vaive nenzira dzavo dzekuti vape mitongo kana vanhu vachinge vatadzirana.

Mumaruwa maisagarwa muchechetere nguva dzose. Zvakawanda zvaigona kuti vanhu vatadze kuwirirana, vamwe vaigona kutosvorana nenyaya dzemiganhu yeminda, vamwe vaipumhana huroyi kuchitiwo vamwe vaizvondana nekuda kwekusiyana kweupfumi.

Zvino zvaiti kana zvadai, hapachina kuwirirana asi kuti vanhu vaigara vakafutirana vachikurungwa mumwoyo neshungu. Shungu idzi vaidziburitsa kana pazvarwa mwana kana imbwa apo vaizotumidza mazita akanangana nedaka rinenge riripo.

Kana vanhu vakanetsana nenyaya yehuroyi, ndipo paunonzwa mwana achitumidzwa kuti Matipedza, Matinyanya kana kuti Pedzai. Vanhu vanenge vachiedza kuti bundu riri mumwoyo rinyevenuke nekuti pese pachadanwa zita iroro, vanenge vachituka vaya vavakanetsana navo.

Hazvigumiri ipapo nekuti vaya vanobva vaziva kuti vanyombwa kubudikidza nezita riri kudaidzwa nekudaro vakaitawo wavo mwana vanobva vadzorera chitsveru nekutumidzawo zita rinotuka zvakare. Vanobva vadzorerawo vachiti mwana wavo Mugondidini, Munondin’yei kana kuti Matimadii.

Kana iri imbwa inobva yanzi Muroyindishe kana kuti Tozvariremi. Dzimwewo dzinongonzi vana Zvakwidza kana kuti Zvamuriimi. Ipapo shungu dzemunhu dzinobva dzatunhidzwa.

Ukanzwa paya panodanwa mazita akaita sana Sasanai kana kuti Tozivepi wobva watoziva kuti hapana chakanaka. Dzimwe nyaya dzinonetsa zvekusvika nekumombe chaidzo nekuti paya panotumidzwa mombe kuti Manzuma kana kuti Charuveki panenge pakanaka. Unogona kunzwa mombe ichinzi Wegejo kana kuti Abhigero kuri kutsvaga kutokonya mai vavakavakidzana navo vanonziwo Abigail.

Nhaurwa yemazita haingoshanda pakutukana kana kutsiurana chete, asi kuti inogona zvakare kubatsira pakutunhidza nekurumbidza mabasa akanaka anenge aitika. Zvakafanana nekuti kana pakazvarwa mwana kunyanya mazuva ano vanhu vanoda kurumbidza netumidza zita rinotunhidza samatenga sokuti Ruvarashe, Mukudzeishe, Anotidaishe kana Makatendeka.

Vamwewo ndivo vanotumidza nekuti zvido zvavo zvazadziswa nokudaro panobuda mazita akaita sana Tanatswa, Rutendo, Takomborerwa kana Tafadzwa. Mamwewo mazita anobuda nekuti kwaitika chinhu chakaoma chinobata upenyu hwavanhu sekufirwa. Pakazvarwa mwana mushure mekunge vabereki vashaya anonzi Masiiwa kana kuti Munzvengwa.

Dzimwe dzimba dzinogara dzichifarwa nguva dzose zvokuti ndimo munobuda mazita ekuti Rufaro kana Farai.

Mazuva ano mazita avakubva muchiitiko chinenge chaita mukurumbira senhabvu kana tsiva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>