Mazwi anoreva zvakasiyana

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

MUKUTAURA nekunyora chiShona, tinosangana nemazwi anoreva zvakafanana sekuti mbambaira inogona kunzi mabura kana kuti madima. Kune rumwe rutivi kunowanikwa mazwi anonyorwa zviperengo zvakafanana asi iwo achireva zvakasiyana.

Ndiro donzvo redu muchikamu chino kuti tione nekugona kuburitsa mazwi aya tichipa zvaanotaura zvakasiyana zvacho. Chero zvazvo tonopedza kunyora bvunzo, hazvirevi kuti kudzidza kwabva kwatopera asi kuti kunotoenderera mberi dzimwe nguva kuchitora danho repamusoro-soro.

Ndichabata izwi ndichiritsanangudza zvakasiyana zvarinoreva.

Gore: Gore zvinogona kureva nguva inokwana mwedzi gumi nemiviri. Ndipo patinotaura gore rekuzvarwa kana gore rehwiza. Asiwo gore zvinogona kureva fuwa remudenga rinozogona kunaya semvura kana kuti guti. Hazvigumiri ipapo nekuti gore zvakare zvinoreva chivakwa kana imba inogara mbudzi.

Ronda: Kana munhu akuvadzwa, kuchekwa kana kugumburwa anoita ronda. Kune rumwe rutivi kuronda kutevera munhu kazhinji anenge atiza kana kufanotungamira parwendo. Kutevedza nzira kana gwanza raaenda naro ndiko kuronda. Ronda zvakare zvinoreva kutsikirira zvinhu mumudziyo kuti zvikwane chero zvakawanda sei.

Ngura: Kungura zvinoreva kugeza kana kukarava. Magezero aya ndeekuzvipara chaiko mushure mekuita tsvina neman’a zvakawanda. Ngura zvakare zvinoreva kutsvukuruka kunoita midziyo iya inenge ichingorohwa nedova asi isingashandiswi. Tinozoona zvakare ngura zvichireva kutamba tamba kunoita badza kana demo risina kubata zvakanaka mumupinyi waro.

Gura: Kana tichitaura zvegura tinogona kureva munda wakamborimwa kare watosakadzwawo hawo nekurimwa asi gura zvakare zvinogona kureva kubvisa badza kana demo kubva pamupinyi waro. Gura zvakare zvinoreva kupfidza kuita chinhu mushure mekunge chakupinza mumatambudziko. Nhanga: Nhanga chirimwa chinobva pamumhodzi kana muboora chinodyiwa mushure mekubviswa mhodzi nekubikwa. Nerimwe divi nhanga zvinoreva imba inorara vasikana. Zvakare nhanga zvinoreva panorara mombe dzabva kumafuro nekunwa mvura dzava kuzeya huswa hwadzanga dzichifura.

Nyara: Nyara zvinoreva kusvoda kana kuti kushaya pekutarisa mushure mekunge waita chinhu chakaipa kana chinoshoresa neruzhinji. Kunyara zvakare kunoreva kuneta mushure mekuita basa guru kana kufamba rwendo rwakareba.

Gungwa: Pakuti gungwa tinenge tichireva nyanza iya inofamba zvikepe. Tinogona kutaura zvakare zvegungwa tava kureva kugondwa kana kuti kupedza nyota. Munhu akakumbira mvura akanwa haanzi waguta here, anonzi wagungwa here.

Runda: Kurunda kusona zviya zvechitsokotsoko zvinobva zvabatana nekuungana. Runda zvakare zvinoreva gwazvo renyama rakaomarara riya risingakasike kuibva. Kurunda zvinogona zvakare kureva kupora kana kurapika kweronda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>