Mbavha dzooneswa moto

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mbavha dzooneswa moto Det Insp Portia Chinho

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKWATA chematikitivha eCriminal Investigation Department (CID) chekuNorton chakasunga varume vashanu vanofungirwa kuti imbavha dzinoba waya dzemagetsi.

Izvi zvakaitika papurazi reDrumond.

Vakasungwa ndiCharles Joseph Phiri (42), Admire Petros (39), Eddie Mhondiwa (26), Chamunorwa Mupfumi (38) naLloyd Jairosi (30).

Nyaya iyi yakaitika munguva pfupi yakadarika apo vashanu ava vanonzi vakawanikwa papurazi apa vacheka tambo dzemagetsi vakapakata pfuti.

Mutauriri weCID munyika, Detective Inspector Portia Chinho, vanoti varume ava vanonzi vaityaira motokari yerudzi rweToyota Funcargo iyo yaiva isina manhamba.

“Vanonzi vakasvikocheka waya dzemagetsi dzinoenda kumunda vachishandisa bolt cutter kubva patransformer apo vakazoonekwa nemuridzi wepapurazi iri,” vanodaro Det Insp Chinho.

Vanoti varume ava pavakaona murindi wepapurazi apa, vanonzi vakabva varidzira pfuti mudenga nekudivi kwaiva nagadhi uyu zvikaita kuti atize.

“Murindi uyu akazozivisa muridzi wepurazi iri nemamwe magadhi vakazoedza kutevera ndokutadza kuwana varume vashanu ava zvikazoita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa. Mumwe wevarume ava akazobatwa ave kuBanket,” vanodaro.

Akasungwa uyu anonzi akazotungamirira mapurisa kuti vamwe vake vana vabatwe uye tambo dzavanonzi vakaba dzikawanikwa.

Pakadhindwa bepanhau rino varume vashanu ava vaiva muchizarira vakamirira kupinda kumatare edzimhosva. Mune imwewo nyaya, mapurisa eCID ekuChegutu vakasunga varume vana vanoti Ishmael White Sinukwe (27) wekuNorton, Tapera Tembo (39), Tinei Tembo (33) naPasswell Kasiyatema (19) vose vekuChegutu nekuda kwemhosva 16 dzekupaza nekuba.

Mhosva idzi dzinonzi dzakaparwa kuChegutu mumwedzi waGumiguru naZvita gore rapera.

Det Insp Chinho vanoti varume ava vanonzi vaishungurudza vanhu mumusha weHinton View, ikoko kuChegutu, vachigwejenura magonhi edzimba vachiba midziyo.

“Zvavanonzi vaiba zvinosanganisira nharembozha, maTV, gas tanks nezvimwewo,” vanodaro Det Insp Chinho.

Matikitiva anonzi vakawana runyerekupe ndokusunga varume ava vakawana zvimwe zvavanonzi vaiba.

Zvichakadai, matikitivha ekuKadoma vakasunga zvakare varume vaviri nemhosva yekupaza vachiba papurazi reWiltshire riri kuPatchway.

Isaac Eddison (22) wekwaMunyuki, kuEpworth naGift Fuzani (45) anotengesa masimbi newaya dzemagetsi kuMagaba, kuMbare, ndivo vakasungwa.

Det Insp Chinho vanoti kubva munaChikumi kusvika Mbudzi gore rakapera, vaviri ava vanonzi vaifamba vachiba mapombi ekudiridzisa nezvimwe zvekurimisa netambo dzemagetsi kuKadoma.

“Varume ava vanonzi vaizohaya motokari dzinovatakurira zvinhu izvi kuenda kuMagaba, kuHarare. Zvimwe zvavanonzi vaiba zvinosanganisira injini dzekudhonza mvura nemasprinklers acho,” vanodaro.

Varume ava vakachengetedzwa nemapurisa vakamirira kuendeswa kumatare edzimhosva.

Det Insp Chinho vanoyambira veruzhinji pamusoro penyaya dzekutenga zvinhu zvakabiwa vachiti imhosva.

“Tinotenda zvikuru ruzhinji nekutiwanisa mashoko anoita kuti tisunge nhubu idzi kuti varambe vakadaro. Tinoyambira vanhu kuti vasafunge kuti pavanopara mhosva dzavo vakahwanda ruoko rwemutemo harusvike pavari, vanobatwa chete vopihwa zvirango zvavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links