‘mbavha muzvikoro bodo!’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘mbavha muzvikoro bodo!’

Kwayedza

Daphne Machiri —
VAKURU vezvikoro nevemakomiti anomirira vabereki, maSchool Development Committee, vari kukurudzirwa kuti vashandise mari dzinobhadharirwa vana nemazvo nedonzvo rekusimudzira dzidzo.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wezvedzidzo mudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, apo vaitaura pamusangano wavakaita nevakuru vezvikoro pamwe nevemakomiti emaSDC kuMakoni District, nguva pfupi yadarika.

“Misangano iyi tinoiita kamwe chete pagore, yakakosha zvikuru kuvakuru vechikoro uye nekumaSDC nekuda kwekuti gore negore nhengo dzemakomiti aya dzinosarudzwa itsva. Naizvozvo vanofanirwa kunge vaine ruzivo rwemashandisirwo emari dzechikoro,” vanodaro VaShumba.

Vanoenderera mberi: “Misangano iyi inoenderana nezviri mugwaro remashandisirwo emari yechikoro, reAdministration Finance Circular Number 6 of 1994, iro rinokurudzira kushandiswa zvakanaka kwemari dzechikoro.”

Vanoti vabereki nevamwe vanenge vachida kuzivisa nezvekusashandiswa zvakanaka kwemari dzechikoro vanokwanisa kunyora tutsamba vokanda muma”suggestion boxes” anowanikwa kumahufosi edzidzo kumatunhu kwavo.

“Mari yechikoro ngaishandiswe nezvinangwa zvinosimudzira chikoro pamwe nedzidzo ,” vanodaro VaShumba.

Vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvirambe zvichivandudza zvivakwa zvazvo.

“Vana vanofanirwa kudzidzira mumakirasi akanaka uye mune midziyo yekushandisa yakakwana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>