Mbavha yemota yakasungwa

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
GORORO rekuBeatrice iro raive nekatsika kekubira vanhu mapatsi emota rakaigochera pautsi zvichitevera kubatwa kwarakazoitwa pamwe nekumiswa mudare.

Brighton Zheke (33) wekuCentral Farm akabatwa nemhosva mudare reChitungwiza Magistrate’s Court yekubira Steven Makwembera (30) anove murairidzi paBeatrice Boarding School midziyo yemotokari inokosha $170 uye pakazowanikwa $120 chete.

Mutongi wedare iri, Francis Mapfumo, akatemera Zheke chirango chekubhadhara faindi ye$100 uye kukundikana kwake anogara mujeri kwemwedzi wose.

Mutongi akati zvakare Zheke aripire mumhan’ari $50 inove mari yakasara pazvinhu zvaakawanikwa anazvo izvo akange abira Makwembera.

Muchuchisi Itai Beaular Chikono akaudza dare kuti nomusi wa29 Kurume gore rino, Makwembera akapa motokari yake yerudzi rweToyota Hiace ine nhamba dzinoti ADX 1402 pagaraji panoshandira Concern Ruturi anova makanika wemota kukambani yePrym Motors Garage iri kuBeatrice kuti igadzirwe.

Rimwe zuva mumwedzi waKubvumbi, Zheke akaenda ndokunoba crank shaft pulley nesteering pump izvo akanotengesa kuna Kudakwashe Murisa anoita zvekutengesa midziyo yemota muHarare.

Musi wa25 Kubvumbi, Makwembera paakaenda kugaraji kuti anopa Ruturi mapatsi matsva ayo akange atenga akamuwana asipo uye ndokuona zvakare kuti mamwe mapatsi emota yake akange asipo.

Nomusi wa27 mwedzi wekare, Makwembera akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye ongororo yakaitwa nematikitivha ekuBeatrice yakaona Kudakwashe Murisa achiwanikwa aine crank shaft pulley.

Murisa akaudza matikitivha aya kuti akange akatengesa steering pump kune imwe kasitoma yake asi midziyo yese yemotokari iyi akati akange akatengeserwa naZheke.

Crank shaft pulley iyi yakaburitswa mudare seumboo. Zheke anobvuma mhosva yake.

“Ndinobvuma kuti ndakaba mapatsi emotokari yemumhan’ari nekuti ndaida kuatengesa kuti ndiwanewo mari,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links