Mbeu itsva 19 dzenzimbe dzakaburwa

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mbeu itsva 19 dzenzimbe dzakaburwa Zimbabwe inonzi iri kutarisira kuwedzera huwandu hwenzimbe dziri kurimwa parizvino zvichitevera kuburwa kwedzimwe mhando itsva dzembeu yechirimwa ichi dzinosvika 19.

Kwayedza

neveCAJ News
ZIMBABWE inonzi iri kutarisira kuwedzera huwandu hwenzimbe dziri kurimwa parizvino zvichitevera kuburwa kwedzimwe mhando itsva dzembeu yechirimwa ichi dzinosvika 19.

Ongororo yakaitwa inotaridza kuti mbeu itsva iyi inopa goho rakanaka kana zvichienzaniswa neiri kurimwa parizvino.

Mbeu itsva iyi inotarisirwa kunge ichirimwa pakutanga kwemwaka miviri inotevera.

Ichaziviswa kuvarimi nekune vemamwe mapoka akasiyana pashoo yeLowveld Agricultural Show iyo ichaitwa kuChiredzi munguva inotevera.

Kambani huru munyaya dzekurimwa nekugayiwa kwenzimbe yeTongaat Hulett, mudunhu reSouthern Africa inonyanya kushandira kuHippo Valley neTriangle muZimbabwe.

Dr Leo Thokoza Mpofu – avo vanove mazvikokota vekuuchikwa kwembeu kusangano reZimbabwe Sugarcane Association (ZSA) – vanotsinhira nezvembeu itsva yenzimbe yakaburwa iyi.

“Mbeu itsva iyi tinayo kumapuroti edu madiki ari kuHippo Valley. Hatisati taipa mazita,” vanodaro apo vaive pagungano rekumema zvirimwa zvenzimbe rakaitwa kuChiredzi nguva pfupi yadarika.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kusanganisa mbeu yekumapuroti madiki iyi kuitira kuti tive nembeu inokwanirana nevarimi vose. Tichataridza varimi zvakare marimirwo embeu iyi mushure mekunge tasangana neveboka reVariety Release Control Board,” vanodaro.

Dr Mpofu vanoti mbeu itsva iyi yaigona kutanga kurimwa munguva pfupi iri kutevera kudai pasina matambudziko emari ari kusangana nesangano ravo ekutenga michina yechizvino-zvino inobatsira mukukohwewa kwembeu iyi.

“Tiri kusangana nematambudziko ekuwana mari yekutenga michina inotibatsira kuita basa iri nekuchimbidza, tikaramba tichishandisa nzira yekare, mbeu itsva iyi inozokwanisa kusvika kuvarimi kwapera makore maviri nekuti nzira yekuisanganisa inonoka zvikuru,” vanodaro Dr Mpofu.

Parizvino, varimi vakawanda vemuZimbabwe vari kukavanisa mbeu yakaburwa mugore ra1960 na2004 inova N14 neZN9.

Zvisinei nekuti mbeu iyi yave yekare, huwandu hweshuga ichaburwa gore rino muZimbabwe hunotarisirwa kusvika matani 500 000 kana zvichienzaniswa nematani 460 000 egore rapera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey