Mendenenzi iripo kuchengetedza, kuriritira vana

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MUTEMO wemendenenzi uripo pakuti vana vange vachiriritirwa nemubereki kana kuti munhu anenge ari kugara nevana arerutsirwe mutoro, zvikuru sei takatarisa nyaya yekunetsa kwemari.

Madzimai kazhinji kacho ndivo vanotakudzwa mutoro wekuchengeta vana, zvikuru panguva iyo vanoparadzana nevarume vavo.

Vanosara vachinetseka kuwana mari yekuriritira mhuri vari vega.

Mutemo wemendenenzi unobatsira mukuvarerutsira mutoro uyu uchiita kuti vabereki vose vange vachibatsirana mukuchengeta vana.

Nhasi uno tiri kutaura nezvemutemo wemendenenzi inova nyaya huru kuvanhu vari kuchengeta vana.

Vamwe vane fungidziro yekuti mutemo uyu unobatsira madzimai bedzi kuti vange vachiwana mari zhinji kubva kuvadikani vavo, varume vachitambura, zvinova zvisiri izvo.

Mutemo wemendenenzi unobata mubereki wose kuti ange achiita mudeme-mudeme mukuchengeta vana asi kuti kazhinji kacho madzimai ndiwo anonyanya kukoshesa mutemo uyu kana tichienzanisa nevarume avo vanoratidza kusava nehanya nawo.

Mendenenzi rubatsiro rwemari kana rwekudya nezvekupfeka rwunopihwa kumunhu anenge ari kuchengeta vana kuti abatsirikane mukuvariritira. Somuenzaniso, amai vari kuchengeta vana vavo kana kuti murume nemukadzi vari kuchengeta vana vasiri pamwe chete.

Mendenenzi inobhadharirwa vana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa. Kana mwana iyeye asati ave kuzviriritira asi apfuura makore aya anogona kuenda kunoreva mendenenzi iyi pachake kumatare edzimhosva eMagistrates Court, High Court kana kumatare emadzishe (Chiefs Court).

Seumboo kudare, mumhan’arirwi anogona kunzi ange achiburitsa magwaro anoratidza mari yaanotambira, magwaro ekurapwa, magwaro ekuti ari kubhadhara marii yechikoro, magwaro emabhizimusi aari kuita, magwaro emwana ekuzvarwa haana kunyanya kukosha panenge pachidiwa mendenenzi.

Kana pachinge paita nyaya yekuti mumhan’arirwi ari kuramba kuti mwana waanofanira kuchengeta haasi wake, ongororo inofanira kuitwa (DNA test) uye kana zvikange zvazoonekwa kuti haasi wake zvedi anofanira kudzorerwa mari yake iyo yaaibhadhara pakuriritira mwana.

Nyakureva mari yemendenenzi anofanira kunge akavhura akaundi nebhanga kuitira kuti mari iyi inge ichiiswa imomo.

Mari iyi inogona kungotorwa kubva papeyi pemumhan’arirwi kana pachinge panyorwa magwaro ekuda chirongwa ichi. Kana mumhan’arirwi akakundikana kubhadhara mari yemendenenzi anosungwa.

Kana pachinge paita nyaya yekuti mari yemumhan’arirwi yawedzera kana kuderera panonyorwa magwaro ekuti mari yemendenenzi iwedzerwewo kana kuti ideredzwe. Izvi zvinoitwa nevaviri vachibvumirana.

Pane dzimwe nguva mumhan’arirwi kana achinge ave kusiya basa akapihwa mari ine chitsama, mumhan’ari anogona kunyorera kuti apihwewo mugove wake.

Magwaro ekureva mendenenzi anoendeswa nemapurisa kana kuti mutumwa wedare (messenger of court) uye zvakakosha kuti munhu ari kureva mendenenzi ave nenhamba yepanogara mumhan’arirwi yechokwadi.

Mushure mekupihwa magwaro aya, mutumwa wedare anoendesa magwaro akasainwa kumusungwa kuti aone zvakanyorwa nemumhan’ari. Kana mumhan’arirwi achinge akundikana kuuya kudare, dare rinogona kuenderera mberi nekupa mutongo iye asipo.

Zvinyorwa izvi zvakabva kuna: Fiso Ncube, Legal Assistant.

Tumirai mafungiro enyu padandemutande nepanhamba dzinoti: @[email protected] 0777 828 201, tinokupindurai.

Tarisirai rumwe ruzivo muKwayedza yemusi weChina chinotevera. Ngatikurukurei nezvemutemo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>