‘Mhamha’ (41) vanoshinha nemwana (8)

11 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
‘Mhamha’ (41) vanoshinha nemwana (8) Western Commanage Courts

Kwayedza

Danisa Masuku

NGUVA zhinji vanhurume ndivo vanowanikwa vachibatwa nemhosva dzekushungurudza vanhukadzi pabonde nekuvabata chibharo apo vamwe vachiendeswa kumajeri nekuda kwemhosva dzakadai.

Asi munyaya ine musiyano, kune mudzimai ainyengetedza kakomana achinoshinha nako kumba kwake nguva dzakawanda.

Ntombiyosizi Ndlovu (41) wemumusha wePumula South, kuBulawayo, akasungwa nemapurisa ndokupinda mudare reWestern Commonage Regional Court pamberi pemutongi Sibongile Msipa-Marondodze nemhosva yekushinha nemwana ane makore masere ekuberekwa.

Mukadzi uyu abatwa nemhosva iyi uye akachengetedzwa mutirongo achimirira kupihwa mutongo wake.

Dare ranzwa kuti Ndlovu akaona mukomana uyu achitamba neshamwari dzake kunze kwemusha wavo ndokubva amuchiva achibva atadza kuzvidzora ndokumushevedza achiti aida kuverengerwa mashoko epaWhatsApp yake panhare.

Mwana uyu, uyo asina kumbofungira zvimwe zvakaipa, akabva amhanya kunobatsira “mhamha” ava. Ndlovu akaenderera mberi nechinangwa chake ndokushevedza mukomana uku muimba yake yekurara achibva akiya gonhi nemukati kuti asawane chinomukanganisa.

Akakumura mukomana uyu mbatya ndokushinha naye.

Kubva musi uyu, Ndlovu akange ave kuita katsika kekushevedza mwana uyu achishinha naye.

Mwana uyu akatangawo kuzvifarira zvikazoita kuti apote achienda kumba kwemudzimai kusvikira ambuya vake vaita fungidziro nemafambiro emuzukuru wavo.

Ambuya ava vanonzi vakasvika pakubvunza muzukuru wavo achibva ataura zvaiitika.

Mwana uyu akataura zvose pasina chakasara achiti vakashinha kakawanda mumba maNdlovu.

Ambuya vake vakabva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Ndlovu asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey