Mhando dzezvirimwa

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
ICHOKWADI kuti tiri zvatiri nekuda kwezvatinodya zuva nezuva. Vamwe tiri ndonda vamwe vari zvigwindiri. Vamwe vedu havatozivi musiwo wechipatara nekuda kwezvaanodya zuva nezuva.

Makarekare vanhu vaigara vakagwinya pasina nhaurwa yekuenda kuzvipatara pese pese nokuti vaidya kudya kwaivapa utano uye kwavairima nekugadzira vega vasingasvuuri zvotoona mazuva ano.

Nekuuya kweruzivo rwembesa, vanhu vakatanga kurima mhando dzezviyo dzakasiyana. Kune mhando dzezviyo kana kuti rukweza dzinokwana shanu kana kuraudzira.

Kune zviyo zvinonzi matangatsapi inova mhando isingatani kusvika kana kuibva nokudaro ndirwo rwunotanga kuiswa mutsapi kana mudura.

Muduura imwe mhando yerukweza urwo rwunoti kana rwaibva rwunopfumbata sechibhakera. Rukweza urwu rwune hundi yakawandisa kupfuura dzimwe mhando dzose dzezviyo. Garinhi kana kuti gwezere zviyo zvinowanda uye zvine huro dzinosunga serusero.

Kunozoita kamwe kazviyo kaduku katsvuku kasingaite hundi yakawanda kana dzinde guru. Kazviyo aka kanonzi nhuri.

Nyiminya kazviyo kadiki zvakare kanobikiswa biti kana kuti doro rinotapira zvikuru. Biti rekanyiminya rinoita furo rinonyiminya nekutubhwira zvinova zvakaita kuti katumidzwe zita iri.

Zviyo zvakanakira kubikiswa bota rinovaka muviri zvakare zvinobikiswa sadza rinonaka samare. Ruzivo rwembeu rwakaramba rwuchikura kudzamara vanhu vorima mupunga mumatimbwa kana kuti mumatoro.

Nanhasi uno mupunga uyu unorimwa munzvimbo dzinonaya mvura yakawanda.

Munorimwa mupunga hamusi nyore kushandira nekuti munoita madhaka anony’udza uye munoita majekacheka anocheka senhavhaya.

Mupunga unowanikwa mumhando ina. Kune mupunga unonzi mutirigu uyo unogona kunge uri mutema kana muchena. Mutirigu unozivikanwa nekuti unoti kana waibva unomira kuti twii.

Dembaremba mupunga une dzinde dete uye unokotamisa hura hwaho kana waibva kana kusvika. Kune mumwe mupunga usingatani kusvika kana kuibva. Uyu mupunga unotyora mutsipa kana kukotamisa hura kana waibva sedembaremba asi dzinde racho rakati simbei.

Mupunga uyu unonzi kapangure kana kuti chidamare. Mupunga uoitwa zvekutswiwa muduri wozobikwa uchimonwa nedovi. Unonyanyonyoita tsuro ndisunge nenyama yehuku yechibhoyi. Mupunga wekugumisira unonzi munyai.

Uyu mupunga unosiyana nemimwe yose nekuti une minzwa. Hautane kukuhumuka padzinde rawo uye unokurumidza kuibva.

Mapfundewo ane mipanda. Tine mhando yemapfunde inonzi monga. Monga mapfunde ane kunze kwetsanga kuchena uye anoita hupfu huchena.

Mapfunde iwaya anozivikanwa nezigunde zirefu. Mapfunde monga anosiyana netsveta iyo ine kunze kwetsanga kutsvuku uye hupfu hwacho hutsvuku.

Kunewo mapfunde anonzi mukadzidzoka. Aya mapfunde asingatani kuibva. Ane gunde pfupi, tsanga pfupi uye anoita hupfu hutsvuku.

Chigwadara mapfunde ane gunde pfupi, tsanga nhema nehupfu hwakatsvukuruka. Kumhunga tine karuja, mhongora nemurambatsvina.

Kunzungu kune chiboko, chimhandara, kasawaira nemurambatsvina. Nzungu dzechimhandara ndidzo dzinonzi tumbe. Kana dzava nyimo tava netumbemberete nekapofu.

Share This:

Sponsored Links