Mhirizhonga muzvikoro yorwiswa

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mhirizhonga muzvikoro yorwiswa Vamwe vevadzidzi vaive pagungano rekuparurwa kwechirongwa chekurwisa mhirizhonga muzvikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE ichishanda nesangano rinotsigira dzidzo yevanhukadzi reForum for African Educationists Zimbabwe Chapter (FAWEZI) yakaparura chirongwa chemakore maviri icho chine donzvo rekurwisa nyaya dzemhirizhonga muzvikoro.

Chirongwa ichi chakaparurwa nguva pfupi yadarika uye chakapindwa nezvikoro zviri mudunhu reShamva District neChitungwiza zvinosanganisira Mutumba Primary, Mupfure Secondary, Madziwa Rural Primary, Tasimukira Primary, Seke 2 High, Seke 6 High, Zengeza 4 High neSt Aidan’s Primary.

Vachitaura, munyori mukuru mubazi rezvedzidzo yepuraimari sekondari, Dr Tumisang Thabela mumashoko avakaverengerwa naDr Authur Makanda vanova director weTechnical Services kuCurriculum Review vanoti nyaya dzemhirizhonga dzakawanda muzvikoro zvichitevera ongororo dzakaitwa nemapoka akasiyana.

“Nyaya dzemhirizhonga kuvana muzvikoro dzinosanganisira kusveeredzana, kutukirirana, kubatwa-batwa nhengo dzemuviri, chibharo, kurohwa, kushandiswa zvisina tsarukano, kunyimwa kudya nekushaiswa chengetedzo, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Dr Thabela vanoenderera mberi: “Zimbabwe iri kuedza nepainogona kurwisa mhirizhonga muzvikoro zvichitevera mitemo inochengetedza vana nekuti mhirizhonga inokanganisa dzidzo. Mwana anoshungurudzwa kuchikoro anogona kutofoira zvisinei nekuti anenge aine mukana wekubudirira.”

Vanoti zvisinei nekuti vanasikana ndivo vari panyatwa yekusangana nemhirizhonga, vanakomanawo vari kusangana nadzo apo vanombunyikidzwa nevarairidzi vechidzimai kana nevarume.

Muzvare Lydia Madyirapanze, avo vanova murongi kusangano reFAWEZI, vanoti chinangwa chavo ndechekuona kuti vadzidzi vachengetedzwa muzvikoro.

“Takaona kuti nyaya dzemhirizhonga muzvikoro dziri kukonzera kuti vamwe vana vagumisire vasiira chikoro panzira nekuda kwekuti vanenge vava kutya kuendako zvichitevera kuipa kwemhirizhonga. Tinoda kuti vanasikana nevanakomana vange vachiwaniswa dzidzo yakaenzana uye vachikwanisa kupedza dzidzo yavo pasina zvibingaidzo,” vanodaro.

Pamusangano uyu, vakuru vezvikoro, nhengo dzemaSchool Development Committee, vashandi vepamahofisi ezvikoro (administration) uye vana vechikoro vaivepowo vachiwaniswa dzidzidzo nezvemhirizhonga idzi kuti dzingarwiswa sei.

Hurumende iri kuedza nepainogona kuona kuti vanasikana nevanakomana vawaniswa dzidzo yakaenzana. Mumwe mudzidzi wepaTasimukira Primary School, Brendon Ganya uyo ari kuita Grade 5 anoti kushaiswa zvekushandisa kuvanasikana panguva yekutevera uye nzvimbo dzekurasira zvinhu izvi mushure mekushandiswa kwazvo ndeimwe mhirizhonga inoshungurudza vana.

“Vana vechikoro vanofanira kuwaniswa mikana yekutaura zvavanoda pane kuti vafungirwe zvavanoda. Zvido zvevanasikana ngazvizadzikiswe muzvikoro, tinoda ma’sanitary towels’ evanasikana uye mabhini acho muzvimbuzi nemvura yakakwana yekugeza.

“Hakuna chinhu chinoshungurudza kuti mwanasikana anoswera pachikoro akachenegeta tsvina mubhegi remabhuku, ndiyo imwe mhirizhonga inoshungurudza mupfungwa,” anodaro Ganya.

Mai Rejoice Nharaunda-Makawa vanova chamangwiza weChengeto Africa, Issues Pane Nyaya rinova sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi vanotsinhira vachiti, “Imhirizhonga yomene kuti mwanasikana anosvibisa mbatya dzake, opinda muchimbuzi chinenge chakarindirirwa nemunhu wechirume ari mukati imomo uye oshaya zvekare mvura yekuti ageze. Izvi zvinoreva kuti panguva yose yekutevera, mwanasikana achagumisira ava kusarudza kurovha chikoro zvichiita kuti asarire kumashure pakudzidza.”

Nyaya dzemhirizhonga muzvikoro dzinokanganisa mamiriyoni evana uye veruzhinji munharaunda pasi rose.

Kuburikidza neongororo iyi, pachaonekwa huwandu hwevanasikana nevanakomana vari kusangana nenhau dzemhirizhonga uye kuti pazotorwa matanho ekudzirwisa.

Vamwe vatsigiri vechirongwa ichi vanosanganisira United Nations Girls Education Initiative (UNGEI) neMiske Witt Associates International.

Dr Shirley Miske avo vanova chamangwiza weMiske Witt Associates International vanoti kana ongororo iyi ikabudirira, vane tarisiro yekuti igozoenderera mberi mumakore anotevera, vana vechikoro nevarairidzi vachibatsirwawo pane zvinovanetsa mungava munyaya dzezvekushandisa kana kupangwa mazano.

Chirongwa ichi chiri kuitwa nechinangwa chekuzadzikisa zvinangwa zvemaSustainable Development Goal 4 zvekuwanisa dzidzo yakakwana uye yakaenzana pakati pevanasikana nevanakomana pasina rusarura uye kuti vadzidzi vachengetedzwe.

Ongororo yerudzi urwu ichiri kuitwa kune dzimwe nyika dziri muAfrica dzakaita seEswatini, Kenya, Malawi, South Africa, South Sudan, Uganda neZambia

MuZimbabwe, varairidzi 50 pari zvino ndivo vakadzidziswa pasi pechirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>