Mhuka dzinodaidzwa nemazera adzo

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIKAMU chakapfuura takabata mazera akanangana nevanhu. Rwendo rwuno tinoda kutarisa zvakanangana nemhuka.

Mazita mazhinji tinoadaidza nepasiripo nemhaka nekuti hatinyatsozivi mamiriro azvo zvichienderana nemazera acho.

Mombe dzatinofudza munguva yeMaenza kana kuti Zhizha dzinewo mazera namazita akasiyana. Tose tinoziva kuti mwana wemombe anonzi mhuru. Izvi zvinoreva kuti hatina kucherechedza mazera emhuru idzi dzamara dziite mhou kana mabhuru.

Mhuru ichangoberekwa inonzi munava. Nhedzana inenge yava mhuru iya yava nezvizuva yaberekwa kozotiwo iya mhuru inenge yarumurwa inonzi chigondora.

Kana mhuru iyi iri hadzi uye iri zera nenhedzana inodaidzwa kuti borombe. Kana mhuru yabva muhugondora inodaidzwa kuti jon’osi kana kuti handira. Handira kana kuti ngunzi inofambidzana nemuzera wehadzi yabva muhuborombe. Hadzi yabva muhuborombe inonzi tsiru nekuti inenge isati yabereka. Kana ichizenge yabereka yava kunzi mhou.

Hukuwo dzine muzera wadzo uyo unotangira pakuchechenywa kudzamara pakuguma kukandira. Painochechenywa, huku inonzi inhiyo apo inenge ichivhumbamirwa naamai vayo. Kabva pahunhiyo kachongwe kanobva katora nzira yako kusvika rava zijongwe rine zvimbi. Huku hadzi inobva pahunhiyo yoenda pahusheshe. Inonzi sheshe kana isati yaita vana.

Kana yava kukandira mazai inonzi tseketsa kana kuti sekero. Kana yazotsotsonya mazai yava nenhiyo yava kunzi nhunzvi.

Muzera wehuku unofambidzana nemuzera wedhadha kana wegarikuni. Tinofanirwa kucherechedza musiyano uripo pakati pesheshe netseketsa

Gudo, bveni kana kuti diro rinewo muzera waro wakati siyanei.

Mwana wegudo anonzi rushiye sekuziva kwedu tose asi kune dzimwe nzvimbo anonzi shokorani kana kuti shokorupani.

Mwana wegudo zvakare anonzi svambara kana kuti rutwiyo asi kana toita mwanza wemuzera tinoti mwana wegudo ane gore rimwe chete anonzi chisamakei kozoti kakudo kanenge karumurwa kanonzi mujembwa.

Iwo makudo anowanzotoredzera kuvanhu pakuita kwawo nekudaro mamwe mazita atichataura anobata chero nekuvanhu chaiko sekuti gudo gadzi riya risingagoni kugadzikana munyaya dzerudo rinonzi sheriwa.

Zvinoreva kuti gudo iroro inzenza.

Gudo gadzi rese rinonzi chikoyo kana kuti mhandakadzi.

\\Gudowo rakura riri rechirume rinonzi horomba, hombiro kana kuti mbombo.

Makudo ane tsikawo savanhu vanoti pwere hadzidye pamwe chete navanhu vakuru.

Kumakudo ikoko kana karutwiyo kakada kudya marize vakuru vasina, kanodzemurwa mutyatya wembama.

Hadzisi dzose mhuka dzinoita mizera ine mazita pakuzvarwa asi kuti dzimwe dzinongoti yazvarwa yotongodaidzwa nezita rayo rinozivikanwa dzamara yasamhuka kupinda mukuchembera asi zita risingazoshanduki sekuti mhembwe ikazvara mwana wayo anodaidzwa kunzi tsvana, hwishu kana kuti chimera dzamara yasvikawo mukuita sheshe kana iri hadzi.

Sheshe ndiyo mhembwe hadzi isati yabereka.

Kana yazobereka inenge yonzi nhunzvi asi kana iri hono inozonzi dimura kana yakura.

Nhimba nemhembwe zvinofambidzana pakuti vana vacho vanodaidzwa zvakafanana chero hadzi dzacho dzinongodaidzwa zvimwe chetezvo.

Nyatiwo nemombe zvinofambidzana mumazita nemumazera asi zvinosiyana pakuti nyati hono inonzi rambwa.

Ngatiyeuchidzane kuti zororo ravakuda kuenda kumakwishu uye bvunzo harisikumira kuswedera. Zvinoda kuramba munhu uchiti farefare tindike.

Share This:

Sponsored Links