Mibairo mikuru kuvarimi vePfumvudza

06 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Mibairo mikuru kuvarimi vePfumvudza

Kwayedza

naNester Gumbo

HAPANA chinouya varimi vakarara, kudya chemuzvere hubata mwana.

Hanzi kurara mumumvuri kwakasarira imbwa nekufamba nemaraini kwakasarira madhongi.

Varimi vakangwara vanoita zvinhu zvavo nemazvo uye nenguva.

Ukaita izvi, mhuri nenyika zvaguta.

Dingindira ndiroro, goho guru pakamunda kadiki.

Tarirai muone kufadza kwazvo kana varimi vedu vachitevedzera dzidziso yavanopiwa nemadhumeni ari munharaunda medu maringe nekurima kwakavandudzwa kwePfumvudza.

Baba naMai Mutasa vekuNdanga ndivo vakakunda pamakwikwi akaitwa munyika yose ekurima Pfumvudza nemazvo.

Vakagamuchidzwa mubairo wavo nemutungamiri wenyika yeBotswana, President Mogkweetsi Masisi, avo vakanga vari muenzi mukuru pagungano rekuratidzira zvekurima reZimbabwe Agricultural Show 2022.

Baba naamai Mutasa vachitaridza mubairo wavo mukuru wavakahwinha kumakwikwi eZimbabwe Agricultural Show 2022

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakanga varipowo pachiitiko ichi.

Pazuva iri, VaMutasa nemudzimai wavo vakatambidzwa mukombe netarakita.

Kunesu takawana mukana wekushanyira VaMutasa takagutsikana kuti vaikodzera kupiwa mubairo uyu.

VaMutasa vava nemakore anokwana masere vachiita kurima kwemakomba.

Uchisvika pamunda pavo, unooma mate mukanwa.

Baba naamai ava vanoita basa ravo zvakanaka chose. Patakasvika, munda wavo waiva watocherwa makomba pandima inokwana hekita.

Mukutaura navo, VaMutasa vanoti ndima iyi inovapa goho guru gore negore.

Chikafu chavanokohwa chinoringana kuti ivo vadye nemhuri yavo vachitopawo chimwe kuhama dzavo dzinotambura.

Makomba akacherwa akapoteredza munda waVaMutasa nemudzimai wavo kuitira kubata mvura (infiltration pits).

Mukutaura navo, takaona kuti munhu akaenda kuzvidzidzo zvePfumvudza uye akanzwisisa dzidziso yaakapiwa.

Vanoti: “Ndakazviudza kuti chirongwa chauya neHurumende chakanaka. Vamwe pavanoti dhiga ufe, ini ndinoti dhiga udye.

Ndakabatsirwa nemurimisi kuita ndima dzangu.

“Ndima yoga-yoga i16m x 39m. Ndakadzidziswawo kuchera makomba ndichiaparadzanisa zvinoenderana nembeu yoga-yoga.

Mushure mezvo, ndaiisa lime mushure mekunge ndaendesa ivhu rangu kunoongororwa ndikaudzwa kuti rinovava.

Ndakashandisa mupfudze wemombe nefetiraiza yandakapiwa neHurumende.”

VaMutasa vanoenderera mberi vachiti: “Ndinoda kutenda Hurumende zvikuru nechirongwa ichi. Mhuri zhinji tayambuka kubva munzara. Hapana anoita murimiro uyu anosunza. Mbeu nemushonga werukonye zvose tinopiwa.”

VaMutasa murimi anonzwisisa kusanduka kuri kuita kunze nekudaro vakagadzirira zvinoita kuti vaunganidze mvura yakawana pamwe nekuchengetedza mvura muvhu. Vakakomberedza munda wavo nemakomba (infiltration pits) kuitira kubata mvura.

Vakaunganidza gumbeze raMwari rakawanda rinoenderana nemunda wavo.

Varimi munokurudzirwa kudzidza pamuonde.

Ngatitorei kurima sebhizimusi tiwane shanduko muupenyu hwedu.

Ngatiteererei zvinotaurwa nevarimisi vedu. Tinokurudzirwawo kuita nhimbe kuti tirerukirwe nebasa.

. . Nester Gumbo ndiye akafanobata chigaro chaDeputy Director Training and Information Services kubazi rezvekurima

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>