Midziyo yepamusha

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
MAKARE kare nyaya yemidziyo yakange isinganyatsotariswa nemhaka yekuti vanhu vaipona nekuvhima nemichero apo vaipaza masango nekufamba vasingagarisani munzvimbo imwe chete. Huchenjeri hwazouya apo vanhu vakatanga kuda kugadzira pekugara semhuri uye kuda kurima.

Nyaya dzekurima kusanganisira naiko kuvhima nekuunganidza michero zvakaita kuti vanhu vade kugadzirira midziyo yekutakurisa zvinhu. Nekufamba kwenguva midziyo yakatanga kukosheswa dzamara musha nemusha wogara netwawo.

Iko kusikwa kwemoto nemuti wemutsubvu kwakaita kuti vanhu vatange kubika ndokutumidza hari yekubikira usavi kuti hadyana kana kuti chikari. Hari ine nyama yakabikwa inonzi gapu. Mbiya kandiro kadiki kanopakurirwa husavi.

Sadza rinobikirwa mushambakodzi kana kuti mutsaiya. Mutsaiya mainyanyobikirwa sadza rerukweza kana kuti zviyo. Chipfuko ndechekuchengetera mvura yekunwa kana kunwira doro rendari.

Tiri padoro ipapo, hari huru inobikirwa doro inonzi gate kana kuti mhirimo. Chirongo ihari yekucherera mvura yekunwa kubva kutsime. Hupfu hunochengeterwa mudenhe.

Mimwe midziyo yose iri pamusoro inoumbwa nevhu rinonzi rondo yopiswa nendove kusvika ruvara rwatsvukuruka. Izvi zvinoitwa nechembere dzine ruzivo rwacho.

Hamiro mudziyo unokamirwa mukaka wozoiswa muhwedza kana hodzeko kuti ukore. Mvura inopangurwa mumukaka imomo inonzi mutuvi. Hodzeko inodaidzwa zvakare kunzi chingo.

Tswanda mudziyo unorukwa namakavi netsanga kana pfeyo. Tswanda inoshandiswa kuchengetera hupfu kana kutakurisa goho. Dengu imhando yetswanda huru inoshandiswa kutakura zvirimwa zvakaita sezviyo, mupunga nemhunga kana mapfunde. Pane mudziyo unokura kupfuura dengu unotakuriswa zvakawanda munguva dzekukohwa. Mudziyo uyu unonzi sandanga. Nemhaka yekukura haugoni kutakurwa nevanhu asi kuti unotoiswa pachireyi chinodhonzwa nemombe.

Tsero dzinorukwa zvakare nemakavi emupfuti kana muonde netsanga. Tsero ndidzo dzekupepetesa nadzo kana kuurutsisa chibage nezvimwe zvirimwa. Tsero dzinosiyana mizera yacho uye dzinogona zvakare kuomeserwa mifushwa kana misone kouya kuomeserwa mhodzi dzamanhanga, manwiwa nemashamba. Kare kare murusero ndimo maipakurirwa hwada dzezviyo nemhunga kana paita rudhende rwevanhu.

Zvituru ndizvo zvigaro zvaigarwa kunyanya nevanhurume. Zvitura zvinogadzirwa nemiti uye zinowanikwa muimba yekutandarira kana pamatare. Apo varume vanenge vagere pazvituru vakadzi vanenge vakati ware ware matehwa kana zvikumba. Rimwe zita rezvituru ndizvigaravakwati kana kuti zvigara makomucha.

Mhasa kana hukwe ndidzo tsanga dzakarukwa nemikosi nematumbo. Mhasa idzi ndedzekurarira kana kugara vanhu vachitandara.

Kokutanga mhasa dzaigadzirwa nenhokwe asi dzaisagara.  Mhasa idzodzo dzinowaridzirwa chitunha dzozokandwa muguva mushure mekutemwa temwa. Mhasa kana kuti hukwe ndiro zvakare bonde.

Musika unokonzongeswa nekusikiswa sadza parinotangirwa kuti risaite mapundu. Mugoti unozomoneswa sadza iroro mugwaku wozoshandiswa pakupakura. Duri ndere kutswira mbesa dzakawanda nemutswi dzimwe dzokuiwa paguyo nehuyo.

Share This:

Sponsored Links