Midziyo yepamusha

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
BVUNZO dzegwaro rechinomwe dzinouya nepakawanda nokudaro gadziriro yebvunzo idzi inoda kuti munhu amire akasimba. Kusimba pabvunzo kunoda kuti munhu aite tsvakurudzo yakadzama. Tsvakurudzo iyi inoda mwana abate pose pangamutsa njere kusangangisira kuverenga mapepanhau nekuita nhaurirano nevabva zera.

Ndiko kusaka tichibata pose pose patinofungidzira kuti panoda kuongororwa. Chero zvatinenge taita zvikasauya pabvunzo, uya aita tsvakurudzo anenge atopfumisa mutauro neruzivo rwake.

Muchikamu chino tati timbobata pamusoro pezvombo kana zviteyeso zvino shandiswa kana zvaishandiswa kare.

Mazuva ano vanhu vanoenda kunoraura kana kunobata hove nezviredzo zvaveko mazuva ano zvinoshandisa twunenge twumichina.

Kare vanhu vaigadzira zvirauro zvewaya. Vaigadzira nheme vachishandisa hwasho.

Izvi zvaiitwa kana vaida kubata hove imwe imwe kubudikidza nekudyira kwadzainge dzaita. Paya pavaizoda kubata dzakawanda vaishandisa duo kana kuti chikandira. Kugadzirwa kwamatuo nezvikandira ndiko kwakavaka kugadzirwa kwamaneti ayo oshandiswa mazuva ano.

Vavhimi vanotsvaga kubata mhuka vachishandisa zvakasiyana nekudaro vaya vanoda kubata nhindiri kana seina vanoshandisa mhayo kana kuti kandye. Vaya vanoda kubata shiri dzakawanda vanoshandisa urimbo kana chitatarimbo.

Vamwewo vavhimi ndivo vanoteya misungo kana kuti madhibhura kana vachida mhuka dzakati kurei semabimha, nhoro kana mhembwe. Kana vachida kubata mhuka nekuchera gomba vanonzi vashandisa hunza.

Chekubatisa mhuka chiya chakavakwa namapango chinonzi chizarira.

Makonzo nembeva zvinoteiwa neriva kana chikachikiro.

Shiri dzinogonawo kubatwa nemusungo unonzi ugombe kana mugombe.

Vavezi vemipinyi yamapadza nematemo vanoboora mipinyi iyoyo vachishandisa muururo kana kuti mudururo.

Mazuva ano vava kushandisa bhora kana dhiriri. Chinopinza zvikuru chinochekeswa zvinhu pamba chinonzi mhesvi.

Kuti mapadza nematemo zvigadzirwe panoda moto unopisa zvikuru wekuvhutira. Ichocho chinovhutiriswa moto wekupisa simbi chinonzi mvuto.

Vanhu vaya vanorapa nekutemera nyora vanocheka vachishandisa nhavhaya kana kuti chisvo. Nhavhaya kana kuti chisvo ndiyo reza. Kana tosona mbatya dzakabvaruka tinoshandisa tsono iyo inodaidzwa kuti tsingano kana kuti nariti. Matehwe neshangu zvinosonwa nemutsunda. Kana tichisona kuvhara masaga ane goho kana mbesa tinoshandisa dumbo.

Kune dzimwe nzvimbo dumbo iri rinonzi dungo. Nyimo dzinosikirwa musiko, sikiro kana kuti guvi. Mombe kana dzichisungwa pajoki panoshandiswa chitorobho icho chinobatirira pazvikei.

Kana vanhu vachivaka dzimba kumisha vanorovera pasi kana pauriri hwemba vachishandisa chirovero kana chikuvauro.

Vamwe vanochiti chidzayo. Chinoroveswa simbi nezvipikiri chinonzi nyundo kana kuti sando. Kana vanhu vachirwa vanozvidzivirira nenhoo.

N’anga dzinoshopera dzichishandisa hakata. Hakata inoshopera zverudo kuvanhurume inonzi chirume.

Nhokwara inoshopera zverudo kuvanhukadzi. Chitokwadzima inoshopera zvebudiriro. Kwami inoshopera zvekusungana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>