Mitemo ngairwise mhirizhonga padandemutande

19 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Mitemo ngairwise  mhirizhonga padandemutande

Kwayedza

Danai Chirawu

PASI rose, vanhu vava kushandisa ruzivo rwedandemutnde runosanganisira WhatsApp, Facebook neTwitter zvakanyanya.

Kusimukira kweruzivo rwechizvino-zvino uku, vanhu vachishandisa dandemutande mukuita mabasa akasiyana akadai sekufambiswa kwemari nekutumirana mashoko kwakakosha zvikuru nekuti kunoita kuti mabasa aitwe nenzira iri nyore.

Kune nyaya dzakawanda dzekushandiswa kwedandemutande muZimbabwe mumakore mashanu adarika, zvikuru sei WhatsApp, Facebook, Twitter, YouTube nezvimwe.
Nekuda kwekuti nyika dzave kunyanya kushandisa dandemutande, pane mikana zvekare yekutadza kushandiswa kwaro nenzira kwayo.

Nomusi wa15 Chivabvu 2020, dare reParamende rakashambadza maringe negwaro remutemo uchiri kuzeyewa reCyber Security and Data Protection Bill, 2019 nechinangwa chekuchengetedza mabasa anotumirwa padandemutande kuti asawanikwa achikonzera mhirizhonga kune vamwe uye kuti vapari vemhosva dzerudzi urwu varangwe maringe nemutemo.

Kuwanda kwevanhu vari kushandisa dandemutande kuri kuunza zvekare nzira dzekuti vamwe vawanikwe vachipara mhosva. Mumabasa, nyaya dzekumbunyikidzwa nenzira dzakarerekera pabonde dzinoitika zvekare kuburikidza nedandemutande uye somuenzaniso, kutumirana mifananidzo kana mavhidhiyo ane zvinyadzi.

Kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwakaona vanhu vazhinji vachishandira kudzimba vachishandisa dandemutande izvo zvakapa zvekare mikana yekumbunyikidzwa kana kutevererwa padandemutande ipapo (online stalking).

Pari zvino vashandi vanoshungurudzwa nenzira dzakarerekera kubonde vave kuwana dziviriro pasi pemutemo weLabour Act (Chapter 28:01), Criminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 9:23) nePublic Service Regulations (SI 1 of 2000).

Mutemo weLabour Act (Chapter 28:01) unotarisawo nyaya dzekudzingwa mabasa zvisina tsarukano uye pane mutemo zvakare uri maringe nenyaya dzekufambiswa kwemashoko (Access to Information and Protection of Privacy Act (Chapter 10:27).

Gwaro reCyber Security and Data Protection Bill rinotevera mimwe mitemo yagara iripo nechakare inosanganisira inopa chengetedzo panyaya dzakadai sekusvereredzwa, kutyisidzirwa nekudzikisira mumwe munhu apo vapari vemhosva vanogona kupihwa mutongo wefaindi kana kugara mujeri kwemakore anodarika gumi.

Senzira yekurwisa kuparwa kwemhosva padandemutande, sangano reWorld Wide Web Foundation rakaona zvakakosha kuti vanhu vawaniswe ruzivo maringe nemhirizhonga idzi uye kuti dzinodzivirirwa sei.
Pamusoro pezvo, mitemo inoona nezvekuparwa kwemhosva padandemutande inofanirwa kusimbaradzwa pamwe nekurwisa kwemhirizhonga kuti vanhu vawaniswe chengetedzo yakazara.

Tumirai mhinduro dzenyu padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>