‘Mitengo yefodya ngaikwire’

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
‘Mitengo yefodya ngaikwire’ MAI Monica Chinamasa

Kwayedza

KOMITI yedare reParamende inoona nezvemabasa ekurima nguva pfupi yadarika yakashanyira misika inotengeserwa fodya yakasiyana muHarare ndokutaridza kutsutsumwa zvikuru nemitengo yechirimwa ichi ikakurudzira sangano reTobacco Industry and Marketing Board kuti ritore matanho ekuona kuti varimi vabhadharwa mari inovapa pundutso.

Nhengo dzekomiti iyi dzaitungamirirwa nasachigaro wayo, Cde Christopher Chitindi, avo vanovawo mumiriri weMuzarabani South mudare reNational Assembly.

Kushanyirwa kwemisika iyi kwakaitwa panguva iyo varimi vari kuchema-chema zvakare nekuda kwekudzikira kwemutengo wefodya mwaka uno uyo uri pakati peUS$0,20c pakg neUS$4,99 pakg kumisika yakazvimirira zvisinei kuti kumisika inobatsira varimi nezvekurimisa unogona kusvika paUS$7 pakg.

Zvakadaro, vamwewo vakashanyira misika yefodya iyi vanosanganisira sachigaro weTIMB, Mai Monica Chinamasa, pamwe nachamangwiza wekambani iyi, Dr Andrew Matibiri.

Misika yakashanyirwa inosanganisira Tianze, Northen Tobacco neBoka Tobacco Floors.

Komiti yedare reParamende iyi yakataridza kushushikana nekusiyana kwakaita mitengo kumisika yakazvimirira neinobatsira varimi nezvekurimisa. TIMB yakanzi inofanirawo kuita basa rayo nemazvo nekutora matanho ekuti misika yekutengesa fodya iwande kuitira kuti pave nemakwikwi ayo anogona kuti mutengo wefodya ukwire.

“TIMB haisi kuita zvainofanirwa kuita chaizvo, kudzivirira varimi nekuti vari kubirwa,” vakadaro Cde Remigious Matangaira avo vanomirira Bindura South mudare reNational Assembly. Zvakadaro, Mai Chinamasa vakaramba mashoko aya vachiti TIMB iri kuita basa rayo nemazvo.

Cde Chitindi vakarumbidzawo mimwe misika yakaita seTianze nekubhadhara varimi mari inofadza pafodya yavo.

“Tafadzwa zvikuru nezvataona kuTianze, mitengo yacho yakanaka,” vakadaro. Chamangwiza weBoka Tobacco Floors, Muzvare Rudo Boka, vakati ivo sekambani chavo kupa

varimi nzvimbo yekutengesera fodya chete sezvo vasingatenge chirimwa ichi.

“Chedu kuwanisa nzvimbo varimi nevanotenga fodya vopedzerana,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>