Mombe 1,2m dzadzivirirwa tungundu

07 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Mombe 1,2m dzadzivirirwa tungundu

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MOMBE dzinodarika 1,2 miriyoni dzemunzvimbo dzine mukurumbira pakunetsa nechirwere chetungundu munyika dzabaiwa majekiseni apo Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvekudzivirira zvipfuyo kubva kuzvirwere zvinokwanisa kutapurirwa kuvanhu.

Zvipfuyo, kunyanya mombe, zvinowanzobatwa nechirwere ichi.

Vanhu vanotapukirwa kana vakabata kana kudya nyama yemhuka ine hutachiona hwetungundu.

MuZimbabwe, nyaya dzakawanda dzetungundu dzinoitika munguva yekunaya kwemvura.

Chief director webazi reDepartment of Veterinary Services (DVS), Dr Josphat Nyika, vanoti nzvimbo dzinonetsa nechirwere chetungundu dzinosanganisira Gokwe, Nkayi, Gutu neBikita.

“Tinofara kuzivisai veruzhinji kuti takakwanisa kubayisa mombe 1 234 070, tichidarika miriyoni yatainge takatarisira mvura isati yatanga kunaya,” vanodaro.

“Tanga takananga nenzvimbo dzinopisa uye takabudirira. Muna2021, pakati paGunyana naZvita, takaita nyaya 979 dzechirwere chetungundu uye mombe nhatu dzikafa apo vanhu 212 vakabatwa nechirwere ichi,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti varimi vari munzvimbo dzisinganyanyi kunetsa tungundu vanofanirawo kuona kuti mombe dzavo dzabaiwa majekiseni kamwe chete pagore mwaka wekunaya kwemvura usati watanga.

Dr Nyika vanoti mombe dzinofa nekuda kwetungundu dzinofanirwa kupiswa uye nekufushirwa dota racho kuitira kuti hutachiona uhu husasiiwe pachena.

“Kunzvimbo dzine matambudziko ehuni, tinokurudzira kuchera gomba rakadzika mafiti matanhatu tofushira nevhu. Izvi zvinonyanya kuitwa zvichitariswa nemadhumeni vanoona nezvezvipfuyo, ” vanodaro.

Dr Nyika vanokurudzira varimi vemombe kuti vatenge mushonga wenhomba unozivikanzwa nekuti “three-in-one” uyo unoshanda mukudzivirira zvirwere zvinoti tungundu, blackleg nebotulism izvo zvinonyanya kuwanikwa munguva yekunaya.

“Mwaka uno wekunaya kwemvura, mombe dzedu munyika dzinobatwa nezvirwere zvakawanda zvinouraya uye zvinoda kushanda pamwe chete nesimba kudzivirira kuti dzisafe. Varimi vanofanira kungwarira zvirwere izvi sezvo zvichiuraya zvipfuyo,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti gore rino, kufa kwemombe munyika kwakadzikira nezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana.

Hurumende pari zvino iri mushishi yekuvandudza madhibhi anosvika 2 000 munyika yose uye ine chirongwa chekugovera varimi mushonga wekurwisa zvishambwe kumombe pamwe neJanuary Disease.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey