‘MoneyMaker yorerutsa ndima’

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘MoneyMaker yorerutsa ndima’

Kwayedza

VARIMI vazhinji kumativi mana enyika parizvino vari mushishi yekurima nekudyara mbesa dzakasiyana zvichitevera kuturuka kwakaita mvura svondo rapera pamberi.Kwayedza nguva yadarika yakashanyira Sabhuku Langton Rusirevi (86) kwaSeke avo vari kurima vachishandisa madiridziro eMoneyMaker Max Pump.

“Kutaura chokwadi pakauya vashandi vekukambani inogadzira michina iyi  yeBlagefieds Marketing munzvimbo muno vachiti inoshanda zvikuru mukudhonza mvura yemadiridziro ndakafunga kuti ndavingwa nemakuruku. Ndakabva ndavati vatange vazadza tengi rangu rinova rinopinda marita 2 500 emvura ndikati kana mukarizadza ndiko kuti nditenge muchina uyu.

“Zvedi, vakomana vakanyika mapaipi epombi yavo mutsime ndakatarisa vachibva vatangisa kuchovha muchina wavo wechitsoka-tsoka zvekuti pasina maminitsi makumi maviri vakange vatozadza tengi nechekare.

“Ndizvo zvakaita kuti nditenge muchina uyu nekuti ndakaona kuti unodhonza mvura nekukasika uye haudhure sezvo usingade magetsi, peturu kana dhiziri kuti ushande asi simba rako munhu rekuchovha,” vanodaro.

Sabhuku Rusirevi vanoti vave negore  vachishandisa madiridziro eMoneyMaker Max Pump uye vaona shanduko huru mukurima kwavo.

“Muchina uyu unorerutsa zvikuru pakudiridzira senge ini ndiri murimi mukuru muno uye ndine munda wakakura unotoda vasevenzi kuti unge uchipera kurimwa.

“Ndinorima muriwo, matomatisi, pizi, nyemba, mbambaira, chibage, nzungu uye ndine mombe 17 nembudzi dzakawanda dzinoda mvura.

“Saka tinozvicherera mvura yekunwa tichishandisa zvakare muchina uyu.

“Isu sevanhu vakwegura zvinotirerutsira zvikuru kuti tisarwadziwe nemusana apo tinotakura mvura nemusoro nekuti muchina uyu unoita zvose pasina kushandisa simba rakawanda,” vanodaro. Sabhuku Rusirevi vanoti gore negore vanowaniswa mibairo yekugona kurima nevebazi rezvekurima veArex.

“Ndine mibairo yakawanda yandahwiniswa gore negore yekugona kurima izvo zvaita kuti ndinge ndichiwaniswa mbeu, ngoro, magejo nemari saka mibairo iyoyi inoita kuti ndirambe ndiine shungu dzekurima.

“Ndinoshandisa manyowa emombe dzangu nefetereza kuti ivhu rangu riwane kudya kwakakwana,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>