Mufushwa wehowa

03 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Mufushwa wehowa Mufushwa wehowa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MuFUSHWA wehowa kana ukabikwa nemazvo kudya kunonaka zvikuru sezvo nyanzvi dzezveutano dzichiti hune mavitamin uye iron zvinobatsira kuti muviri ugare wakagwinya.
Svondo rino Tendai Chandipwisa wekuMasvingo anotsanangura mamwe mabikirwo emufushwa wehohwa.

Zvinodiwa:
Chikari chakachena, mufushwa wehohwa, mafuta, matomatisi, hanyanisi nedovi.

Mabikiro:
Geza howa hwakaomeswa.
Huise muchikari, wodira makomichi matatu emvura.
Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.
Bura wokuna kana kubvisa mvura yose.
Isa mafuta mupani kana muchikari wokanga hanyanisi nematomatisi.
Isa howa mumuto iwoyo woisa munyu.
Kurungira dovi zvikore wosiya zvichikwata.
Kana zvadai, chinyatsogara pasi nemhuri mozviruma zvenyu rurimi nekunakirwa.
Howa hunogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo, remhunga kana remapfunde.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>